Accessibility links

Breaking News

VaMangwana Voshushikana neKusagadziriswa neParamende kweMitemo Inotyora Bumbiro

Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Vaimbova mumwe wemasachigaro ekomiti yakatungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika re Constitutional Select Committee, kana kuti Copac, Va Paul Mangwana, vanoti panofanirwa kuumbwa bazi rinowona kuti zviri mubumbiro remitemo yenyika zvatevedzerwa.

Vachitaura pamusangano waiongorora nyaya dzekutevedzerwa kwebumbiro remitemo wakarongwa nesangano re Crisis in Zimbabwe Coalition wakaitirwa mu Harare neChina, Va Mangwana vakati Zimbabwe iri kutadza kuzadzisa zviri mubumbiro remitemo sezvo pasina bazi rakawumbwa kuti riongorore izvi.

Va Mangwana vanoti Zimbabwe yaifanira kuita sezvakaitwa ku Kenya uko kwaiva nehurumende yemubatanidzwa yakafanana neyaiva mu Zimbabwe uko kwakawumbwa bazi raiongorora kuti bumbiro remitemo ratevedzerwa here kana kuti kwete sarudzo dzisati dzaitwa.

Mumwe aivawo mumwe wemasachigaro e Copac uye vari mutauriri we MDCT, Va Douglas Mwonzora, vanobvumirana naVa Mangwana.

Va Mwonzora vanotiwo chimwe chave kunetsa ndechekuti hurumende haisi kuda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere zvave kuipa kuti itadze kuwumba makanzuru emumatunhu sezvinotaurwa nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Va Mwonzora vatiwo nhengo dzesiri dzeZanu PF dziri kudhurirwa nekuwunza mitemo mudare reparamende uye vati kuita izvi hakuna zvakunoreva sezvo MDC ine nhengo shoma muparamende.

Asi mutevedzeri wegurukota rinowona nezvemitemo, VaFortunate Chasi, vakaudza musangano we Crisis in Zimbabwe Coalition uyu kuti hurumende iri kuedza pose painogona napo kuvandudza mitemo yenyika kuti ienderane nezviri mubumbiro remitemo yenyika.

Asi Va Chasi vakati izvi zviri kuvatorera nguva yakareba sezvo vachiti vari mubishi kugadzirisa mitemo inoda kushandiswa nechimbichimbi yakaita semutemo unobata mafambisirwo esarudzo.

Pane mitemo inosvika mazana mana nemakumi mashanu inofanirwa kugadziriswa kuitira kuti isatyore bumbiro remitemo yenyika.

Vemasangano anoshanda akazvimirira vaiva pamsangano uyu vakakurudzirawo hurumende kuti ishande nesimba kuitira kuti mitemo inanganiswe nebumbiro remitemo uye vakavimbisa kuti vachashandawo nesimba kuona kuti izvi zvaitwa.
This item is part of
XS
SM
MD
LG