WASHINGTON —
Bato riri kutonga reAfrican National Congress, ANC, rakunda zvine mutsindo zvichitevera kuwana kwaraita zvigaro mazana maviri nemakumi mashanu nezvitanhatu, richiteverwa ne Democratic Alliance, DA, iyo ine zvigaro makumi masere nezvipfumbamwe, mushure me DA muine bato idzva re Economic Freedom Front, EFF, rinotungamirirwa naVaJulius Malema, iro rawana zvigaro makumi maviri nezvinomwe.
Kunyange hazvo sarudzo idzi dzisati dzaburitswa zviri pamutemo, dzichitarisirwa kuziviswa neMugovera, zvabuda mukuverengwa kwemavhoti zvinoreva kuti mutungamiri we ANC, Va Jacob Zuma, vari kudzoserwa pachigaro chekutonga nyika iyi kwemamwe makore mashanu.
Bato reEFF, iro rakaumbwa mukupera kwegore rapera mushure mekudzingwa kwaVaMalema mu ANC, raita kuti mavhoti eANC adzikire pasi zvichienzaniswa nezvigaro zvakawana bato iri muna 2009. DA yawedzerawo zvigaro zvayo zvichienzaniswa nezvayakawana musarudzo dza 2009.
Vanoongora zvematongerwo enyika vanoti zviri kubuda musarudzo dzemu South Africa zviri kuratidza kuti rutsigiro rweANC rwuri kudzikira.
Vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemasere vakavhota musarudzo idzi kubva pavanhu mamiriyoni makumi maviri nemashanu vakanyoresa kuvhota. Mapato ezvematongerwo enyika makumi maviri nemasere akapinda musarudzo idzi.
Masangano eAfrican Union Observer Mission ne Electoral Commission Forum of Sadc anoti atambira kuti sarudzo dzakaitwa dzakanga dzakasununguka, dzakachena uye dzichigutsa.
Mugwaro raburitswa ne African Union Observor Mission, vari kutungamira sangano iri uye vakambotungamira Ghana, VaJohn Kufuor, varumbidza sangano re Independent Electoral Commission, vachiti rakaita basa nemazvo sezvo nzvimbo dzekuvhotera dzakavhurwa nenguva uye vashandi vesangano iri vachiratidza ruzivo rwezvavaiita.
Kunyange hazvo sarudzo idzi dziri kunzi dzakanga dzakachena, vamwe vanonzi vari kunyunyuta kuti dzinogona kunge dzakabiridzirwa mushure mekuwanikwa kwemagwaro akavhotera mumusha weAlexandria.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoongorora sarudzo chichidzidzisa paTswane University of Technology, VaRicky Mukonza, vanoti kunyange hazvo paine zviduku zvakaitika musarudzo idzi, vanodzitambira sedzakafamba zvakanaka chose.
VaMukonza vanotiwo izvi zvinhu zvinofanirwa kuyemurwa neavo vanofambisa sarudzo muZimbabwe.