Accessibility links

Breaking News

VaGwisai neVamwe Vavo Voendesa Hurumende kuMatare Vachida Kuripwa


Makurukota maviri ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi naAmai Theresa Makone, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, uye mukuru wemajeri, VaParadzai Zimondi, vaendeswa kudare reHigh Court vachipomerwa mhosva yekuti mapurisa ari pasi pavo akatocha kana kuti kuita kafiramberi mutungamiri weInternational Socialist Organization, VaMunyaradzi Gwisai, nevamwe vake vashanu apo vainge vari muhusungwa.

VaGwisai, avo vaimbova mumiriri weMDC-T muparamende kuHighfields, nevamwe vanoti Antoneta Choto, Tatenda Mombeyarara, Edson Chakuma uye Hopewell Gumbo, vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba pachigaro.

VaGwisai nechikwata chavo vakasungwa muna Kukadzi gore rapera vachipomerwa mhosva yekuda kupesvedzera vanhu kuti varatidzire sazvakaitwa kuEgypt neTunisia sezvo vanonzi vairatidza vanhu mavhidhiyo evanhu vairatidzira munyika idzi.

Dare riri kupa mutongo waro nemuvhuro panyaya iri kupomerwa VaGwisai nevamwe vavo.

Vanorwira kodzero dzevanhu munyika vari kugunun’una nenyaya yekuti mapurisa, mauto, vasori uye vatsigiri veZanu-PF, vari kuita vanhu kafiramberi asi pasina chinoitwa nemapurisa.

Gweta revasungwa ava, VaAlec Muchadehama, vanoti nyaya yevatanhatu ava ichanzwikwa mudare neMuvhuro.

XS
SM
MD
LG