Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoita Manyama Amire neRongo Mumakanzuru


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumakanzuru mazhinji emunyika izvo zvava kupa kuti vagari vemumaguta vagare vachigunun’una kuti makanzuru ave kutadza kuita basa nemazvo. Marara haasi kutakurwa munzvimbo dzakawanda munyika, uye zvave kunetsa nguva dzose kuti vanhu vawane mvura yakachena yekushandisa mudzimba.

Izvi zvave kupawo kuti zvirwere zvakaita sekorera neTyphoid zvirambe zvichitenderera mumaguta semagora. Mubvunzo uripo ndewekuti chii chaizvo chiri kukonzera kuti maguta aimbogara akachena afumuke kunge misha yakatamwa?.

Vamwe vanoti gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, nebato ravo reZanu-PF, ndivo honzeri yehosha yapinda mumaguta nenyaya yavo yekuda kupindira mukutongwa kwematunhu vachiisa zvematongerwo enyika mukati.

VaChombo vakanyanyoshorwa nekudzinga kwavakaita vaimbova meya weHarare, VaElias Mudzuri, avo vaidiwa zvakanyanya nevagari vemuHarare.

Nyaya yekumiswa basa kana kudzingwa basa kwemameya naVaChombo iri kuenderera mberi. Vamiswa kana kudzingwa vanosanganisira meya wekwaMutare, VaBrian James, meya wekuChinhoyi nameya wekuBindura.

Ukuwo makanzura mazhinji eMDC akadzingwawo basa naVaChombo gore rapera.

VeMDC vari kuchemawo nerekuti VaChombo vari kupota vachidoma vanhu veZanu-PF vasina zvavanoziva kuvaita ma"special interest councillor" ivo vachifanira kuva vanhu vanomirira vanhu vakaita sevakaremara.

Asi vamwe vanoti makanzura eMDC anyanya huori uye ari kutemerana muvhu zvisina ani akamboona. Kusashandira pamwe kwemakanzura eMDC kunonziwo kuri kudzorera shure mabasa ekanzuru.

VaJerry Gotora, avo vaimbova mutungamiri weAssociation of Rural District Councils of Zimbabwe, vanoti huouri hwanyanya mumakanzuru.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvematunhu, VaCecil Zvidzai, vanoti VaChombo ndivo vari kukanganisa zvinhu.

XS
SM
MD
LG