Accessibility links

Breaking News

Makambani Akarerekera kuZanu PF Anopihwa Marezenisi eKutepfenyura


Boka rinopa marezeresi enhepfenyuro, re Broadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, rapa neChina marezeresi kumakambani maviri ari kuda kutanga nhepfenyuro itsva muZimbabwe.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau mu Harare, sachigaro veBAZ, Va Tafataona Mahoso, vati zvichitevera kudaidzira kwavakaita kuti vanoda marezeresi enhepfenyuro vasvitse mapepa avo kuboka ravo pamwe nekumisa makambani aya pamberi peveruzhinji, kambani yamuzvinabhizinesi Supa Mandiwanzira, yeAB Commucations, pamwe ne Zimpapers, ndidzo dzapihwa merezeresi ekutepfenyura munyika yose.

Zimpapers, iyo inodhinda mapepanhau e Herald, Sunday Mail, Chronicle, Manica Post, Sunday News nemamwe, ichange ichitepfenyura panhepfenyuro ichange ichidaidzwa kuti Zimpapers Talk Radio uye AB Communications ichange ichitepfenyura panhepfenyuro inonzi Zi – Radio.

Va Mahoso vazivisawo kuti boka ravo ratanga kutambira zvikumbiro zvemakambani anoda kuwana marezeresi gumi nemana ekutepfenyura mumaguta nemudhorobha.

Mamwe makambani aida kupihwa marezeresi ekutepfenyura munyika yose anosanganisira Vox Media, iyo ine nhepfenyuro ye Radio VOP iri kutepfenyura pa shortwave iri ku South Africa ichishandisa michina iri ku Madascar, Hot Media iyo ine muimbi ane mukurumbira mukati, Va Oliver Mtukudzi.

Mukuru we Radio VOP, Va John Masuku, vanoti havana kufara nekunyimwa mukana wekuti vatepfenyure mukana sezvo hurumende yemubatanidzwa yakakurudzira kuti nhepfenyuro dziri kutepfenyura dziri kunze kwenyika dzinyorere.

Zvichakadai, mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vakabuda pachena vachiti BAZ iyi inofanirwa kuvandudzwa maererano nezvakabvumiranwa pasi pechibvumirano chezvematongerwo enyika vachiti nhengo dze BAZ dziripo pari zvino, vanhu vari kutungamidza zvido zve Zanu PF pamberi.

Chipangamazano musangano re Media Monitoring Project of Zimbabwe, VaEdson Madondo, vanoti bhodhi reBAZ harina kugadzwa zviri pamutemo, nokudaro zvariri kuita hazvifanirwe kutambirwa sezviri pamutemo.

Nyanzvi munyaya dzevamatongerwo enyika dzinoti hadzioni pachibuditswa nhau nemashoko asina divi raakarerekera sezvo dzichiti Va Mandiwanzira vari munhu anotsigira Zanu PF sezvo vachinzi vari kuda kukwikwidza ku Nyanga South vakamirira Zanu PF, kunyange hazvo vakaramba izvi pamberi pekomiti yeparamende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMandiwanzira kuti vatipe divi ravo.
Nyanzvi idzi dzinotiwo Zimpapers Talk Radio ichangovewo nhepfenyuro yakafanana neZBC inorerekera ku Zanu PF sezvo dzimwe nhengo dze bhodhi rayo dzichinzi dziri kuda kukwikwidzawo musarudzo dziri kutevera dzakamirira Zanu PF.

Nhengo yebhodhi reZimpaper, VaMunyaradzi Kereke, vanonzi vari kuda kukwiwidza ku Bikita West, ukuwo imwe nhengo, Va Paul Chimedza, vanonzi vari kuda kukwikwidza ku Gutu South vakamirira Zanu PF.

XS
SM
MD
LG