Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Vokurudzira Paramende Kudzinga VaMugabe

Mapurisa epaparamende ambochengetedza neChina nhengo dzesangano re Democracy Advocacy Initiative idzo dzanosiya gwaro renyunyuto kuparamende dzichikurudzira kuti nhengo dzeparamende dzibvise mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, pachigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo nhatu dzesangano iri dzambochengetedzwa pakamba yemaurisa iri paparamende mushure mekusvitsa gwaro renyunyuto ranga richikurudzira nhengo dzeparamende kuti dzitorere matanho Va Mugabe semutungamiri wenyika nepamusana pekushaikwa kuri kuitwa mari inodarika mabhiriyoni matatu emadhora muhomwe yehurumende.

Izvi zvinotevera gwaro rakaburitswa nehofisi yaAuditor and Comptroller General rinoratidza kuti hurumende haisi kuziva kuti mari iyi iri kupi.

Mutungamiri we Democracy Advocacy Initiative, Va Shepherd Chidhakwa, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vambochengetedzwa paparamende mushure mekusvitsa gwaro ravo kuparamende.

VaChidhakwa vati vazoregedzwa mushure mekupindira kwaita magweta anorwira kodzero dzevanhu esangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mumwe wevambochengetedzwa ava uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re DAI, Va Irvin Takavada, vanoti havana kufadzwa nemabatirwo avaitwa nemapurisa ayo avati anga achivabvunza mibvunzo isinei negwaro ravasvitsa kuparamende iri.

Vati nhengo dzeparamende dzinokwanisa kuvhota kuti Va Mugabe vabviswe pachigaro nepamusana penyaya yekushayikwa kwemari iyi kunyange hazvo nhengo dze Zanu PF dziri idzo dzakawanda muparamende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Zvichakadai, nhengo dzesangano reCongress of Zimbabwe Trade Unions dzasvitsawo gwaro renyunyuto kuparamende dzichigunun’una nekudzingwa mabasa kuri kuitwa vashandi munyika zvichitevera mutongo wedare repamusoro-soro.

Mumwe wenhengo idzi, Va Raymond Majongwe, vanoti havana kufara nemhinduro yavapihwa kuparamende.

Va Majongwe vati nemamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino, nhengo dzeparamende dzinofanira kudzoka kubva kuzororo dziedze kugadzirisa nyaya yevashandi yanetsa iyi.

Kubva pakaturwa mutongo uyu nedare reSupreme Court, zvinonzi pane vashandi vanodarika zviuru makumi maviri vadzingwa mabasa mumakambani akawanda munyika.

This item is part of
XS
SM
MD
LG