Accessibility links

Breaking News

VaMadzore Vanopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Mutungamiri wevechidiki muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Solomon Madzore, vaburitswa muhusungwa nedare repamusoro mushure mekupedza nguva inodarika gore vari mujeri nevamwe vavo vari kupomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa gore rapera.

Mutongi wedare repamusoro, Va Chinembiri Bhunu, nhasi vati VaMadzore pamwe naVa Lovemore Magaya, vaburitswe muhusungwa mushure mekubhadhara mari yechibatiso inoita mazana mashanu emadhora pamunhu. Izvi zvinotevera chikumbiro chakasvitswa kudare nemagweta evasungwa ava.

Mumutongo wavo, VaBhunu vati hapana humbowo hunonwisa mvura hunoratidza kuti Va Madzore naVa Magaya vaivapo pakapondwa Inspector Petros Mutedza mumusha we Glen View gore rapera.

Mumapepa ari pamberi pedare, VaMadzore vanoti vakanga vari kuchipatara nemudzimai wavo akanga asinganzwe zvakanaka panonzi pakaparwa mhosva yavari kupomerwa iyi. Va Magaya vanonzi vakanga vari pamwe chete naVa Madzore musi uyu.

Vaviri ava vanzi nedare vasiye mapepa avo ekufambisa kumunyori wedare. Mumwe akaburitswa nedare iri ndiMuzvare Cynthia Manjoro avo vakawonekwa nedare kuti vakanga vasipo zvakare pakaparwa mhosva iyi.

Munyori muboka revechidiki veMDC-T, VaPromise Mkwananzi, vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

VaMkwananzi vati bato ravo ranga richigamhina zvikuru zvichitevera kugara mujeri kwanga kuchiita va madzore nevamwe vavo.

Zvichakadai, VaMadzore naVaMagaya vacharara mujeri mushure mekunge vana muzvinahofisi vekumatare varamba kutambira mari yechibatiso yanzi vasungwa ava vabhadhare vachiti nguva dzanga dzapera zvokuti vanga voda kuenda kudzimba.

Mune chimwe chiitiko, vafundisi vedzisvondo makumi maviri vanamatira nhengo dzeMDC-T dziri muhusungwa. Vafundisi ava vanamatirawo mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, avo vari muchipatara zvichitevera kupinda mutsaona yemotokari apo vaienda kumusha kwavo kuDomboshawa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG