Mumwe mudzimai wechidiki anogadzira mbatya dzinoshandiswa nevanhurume pamuchato anoti vanhu vakawanda vari kufarira mbatya dzaanogadzira.
Asi Muzvare Immaculate Kwashira vanoti kuondomoka kwehupfumi hwenyika kuri kakanganisa zvikuru basa ravo.
Muzvare Kwashira, avo vane makore ekuberekwa makumi maviri nemana, vakaita zvidzidzo zvekugadzira mbatya paChinhoyi University of Technology.
Kunyange hazvo vachishandira Jaytee Clothing, kana vapedza basa manheru vanenge vogadzira zvipfeko zvekambani yavo inonzi Immaculate-D iyo inogadzira zvipfeko zvepamuchato zvevarume.
Pari zvino Muzvare Kwashira havasati vawana zvitoro zvingatenga mbatya dzavanogadzira, asi vanoti vari kuwana mukana kuma fashion show uko vanotengesa mbatya dzavo.
Mumakore mashoma anotevera, Muzvare Kwashira vanoti vanotarisira kuti kambani yavo inenge yakura.
Muzvare Kwashira vanoti vanonyanyofarira mugadziri wezvipfeko zvevanhurume weku Italy ane mukurumbira pasi rose, Va Giorgio Armani.
Muzvare Kwashira vanoti vari kugadzira website yekutengesera zvavanogadzira.
Asi pari zvino zvipfeko zvavanogadzira zvinowanikwa pawebsite yeZimbabwe Fashion International.