Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotanga Zvakare Kunetsa paGwaro reBumbiro Idzva


Kupokana muhurumende yemubatanidzva pamusoro pebumbiro idzva kuri kutarisirwa kuenderera mberi zvichitevera danho rakatorwa nemapato maviri eMDC rekuti gwaro rebumbiro harifanirwe kuchinjwa sezviri kudiwa neZanu PF.

Politiburo yeZanu PF inoti haisi kufara nezvimwe zvinhu zviri mubumbiro iri, izvo zvinosanganisira nyaya yekusarudzwa kwemagavhuna pamwe chete nemasarudzirwo evatevedzeri vemutungamiri wenyika.

Zanu PF inoti ichasangana zvakare nemusi weChitatu apo paichabuda nezvinhu zvainoda kuti zvigadziriswe gwaro iri risati raenda kumusangano mukuru unopindwa nevose vane chekuita nebumbiro idzva.

Nyanzvi mune zvematongero enyika uye vari mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti Zanu PF yava kuda kukanganisa hurongwa hwekupedzisa kunyorwa kwebumbiro idzva iri.

XS
SM
MD
LG