Mupepeti webepanhau re Sunday Mail, Va Edmund Kudzayi, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro pamhosva yavari kupomerwa yekuronga zvekupidigura hurumende vachishandisa peji repadandemutande pa Facebook rinozivikanwa nezita rekuti Baba Jukwa.
Mutongi wedare repamusoro, Va Joseph Musakwa, vatura mutongo wekuti Va Kudzayi vabhadhare mari yechibatiso zviuru zvishanu nemazana maviri emadhora semari yechibatiso. Vatiwo VaKudzai vazvipire kumapurisa kaviri pasvondo kusvika nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa.
Va Kudzayi vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende vachishandisa peji repa Facebook rinozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Baba Jukwa.
Hurumende inotiwo Va Kudzayi vakashandisa peji iri kuzvidza mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, pamwe nekushambadzira mashoko anosvibisa zita rehurumende.
Asi vari kuramba mhosva dzose dzavari kupomerwa idzi.
Va Kudzayi vanzi nemutongi wedare vasiye magwaro avo ekufambisa kudare kusvika nyaya dzavari kupomerwa dzapera kutongwa uye kuti vasvitse kumapurisa password yavo ye Gmail.
Vanziwo vasafambe chinhambwe chinodarika makiromita makumi mana kubva mu Harare uye kuti vasiye magwaro emba yavo yavo kudare.
Nyaya yaVa Kudzayi ichadzoka mudare ramejasitiriti musi wa 7 Chikunguru.
Mumapepa avo ari mudare, Va Kudzayi vanoti kusungwa kwavo kwakakonzereswa nevamwe-vakuru vari mu Zanu PF vaisvitsa mashoko kuna Baba Jukwa chaivo vave kutyira kuti vanogona kusiiwa vari pachena.
Va Kudzayi vanoti vanga vachishanda nebazi rinowona nezvekuchengetedzwa kwenyika pamwe nemapurisa vachishandisa hunyanzvi hwavo hwema computer kutsvaga kuti Baba Jukwa chaivo ndiani.
Asi vanoti zvavakawana mutsvagiridzo yavo ndizvo zvakazoshandiswa nemapurisa kuti vasungwe.
Mukoma waVaKudzai, Phillip, ari muhusungwa achipomerwawo nyaya imwecheteyo.
NeChitatu, mudzidzi wepa University of Zimbanwe, VaRomeo Musemburi, avo vari kupomerwa mhosva yekukumbira Baba Jukwa zvombo kuburikidza nemashoko avakatumira papeji raBaba Jukwa, vakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vakanzi chikumbiro chavo chinonzwikwa chete nedare repamusoro.