Mupepeti webepanhau re Sunday Mail, Va Edmund Kudzayi, vachagara vari mujeri kusvika mwedzi unouya sezvo hurumende ichiti haisati yagadzirira zvakakwana kuti ipe mhinduro yayo pachikumbiro chakasvitswa kudare repamusoro naVa Kudzyi chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa.
Gweta rehurumende, Va Tawanda Zvekare, vati mapepa echukimbiro chaVa Kudzayi akawandisa zvokuti vanotoda nguva yakareba yekuti vagokwanisa kupa mhinduro yavo zvizere. Vati vachakwanisa kunge vapa mhinduro yavo musi 1 Chikunguru izvo zvanzi negweta raVa Kudzayi, Va Everson Chatambudza, hazvina kuipa.
Va Chatambudza vati vanongoda zuva rimwe chete kuti vapindurewo zvinenge zvataurwa nehurumende zvabva zvapa mutongi wedare, Amai Ester Muremba, kuti vati nyaya iyi idzoke kudare musi wa 3 Chikunguru.
Va Edmund Kudzayi nemukoma wavo Phillip, vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende pamwe nekushambadzira mashoko anosvibisa zita rehurumende vachishandisa peji riri padandemutande pa Facebook iro rinozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Baba Jukwa.
Vaviri ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi uye Va Edmund Kudzayi vanoti pane vakuru-vakuru mu Zanu PF vakakonzeresa kuti vasungwe vachityira kuti vangabuditswe pachena naivo Va Kudzayi sezvo vakuru-vakuru ava vari ivo vaipa mashoko aziobuditswa na Baba Jukwa pa Facebook.
Va Kudzayi vanoti vakanga vachishanda nebazi rinowona nezvekuchengetedzwa kwenyika pamwe mapurisa vachishandisa hunyanzvi hwavo munyaya dzema computer kuti vatsvage kuti Baba Jukwa chaivo ndiani.
Zvichakadai, mashoko aburitswa nebepanhau re Zimbabwe Independent anoti pane makurukota ehurumende, vari muchiuto, mapurisa pamwe nevasori vangangosungwa nenyaya ya Baba Jukwa.
Mapurisa anonziwo ari kutsvaga mupepeti webanhau iri, Dumisani Muleya, asi havasi kutaura kuti vari kumudireyi. Muleya anonzi ari pazororo.