Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inotadza Zvakare Kuenda kwaMarange


Imwe tsamba yabva kubazi rezvemukati menyika inotiwo mapurisa haakwanisi kupa kimiti iyi mvumo yekupinda muminda yemangoda, kana mapurisa asina kupihwa mvumo nebazi rezvemigodhi kuita izvi. Komiti iyi yava nenguva yakareba ichikundikana kupinda muminda yemangoda ekwa Marange, sezvo isiri kuwana rubatsiro kubva kubazi rezvemigodhi

Komiti yedare reparamende inoona nezvezvicherwa yakundikana zvakare kuenda kunoita ongororo yavo kuminda yemangoda kwaMarange. Komiti iyi inoti yatambira tsamba yabva kubazi rezvemigodhi ichiti bazi iri harisungirwe kuipa mvumo yekuenda kuminda iyi.

Gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vanonzi ndivo vari kuita kuti bazi ravo risape komiti iyi mvumo yekuenda kwaMarange.

Imwe tsamba yabva kubazi rezvemukati menyika inotiwo mapurisa haakwanisi kupa kimiti iyi mvumo yekupinda muminda yemangoda, kana mapurisa asina kupihwa mvumo nebazi rezvemigodhi kuita izvi.

Komiti iyi yava nenguva yakareba ichikundikana kupinda muminda yemangoda ekwaMarange, sezvo isiri kuwana rubatsiro kubva kubazi rezvemigodhi.

Nzvimbo yemangoda yakatarwa nehurumende senzvimbo inokosha, uye munhu wese anoda kupinda munzvimbo iyi, anofanirwa kutanga apihwa mvumo nebazi rezvemigodhi, iro rinozoudza mapurisa kuti rapa vanhu ava mvumo yekupinda muminda iyi.

Komiti iyi yaita musangano ichitsutsumwa zvikuru nekunyimwa kwairi kuita tsamba dzinoibvumidza kupinda kwaMarange kunoita ongororo yayo. Asi svondo rapera, nhengo dzedare remakurukota, dzichitungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJohn Nkomo, dzakakwanisa kuenda kwaMarange zvisina mutauri pakati.

Va Moses Mare imwe nhengo yekomiti iyi. VaMare vanoti komiti yavo yashushikana zvikuru nekuita kwebazi remighodhi.


VaFarai Maguwu inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reCentre for Research and Development. VaMaguwu vanoti zviri kuitika zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika uye mubato re Zanu-PF iro vanoti riri kurwisana pamusoro pemangoda aya.

XS
SM
MD
LG