Accessibility links

Breaking News

Copac Inoti Yawirirana Pane Zvinetswa Zvanga Zvasara


Komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, yasangana muHarare neMuvhuro kuti inzwe pamwe nekuzeya zvakabva mumamapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa pamusoro pezvinofanirwa kunge, kana kusange zviri mubumbiro idzva riri kunyorwa.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, vati vawirirana pazvimwe zvinhu zvanga zvasara zvichinetsa, izvo vati zvava kuendeswa zvakare kuvanyori vegwaro rebumbiro.

Vanyori ava vari kutarisirwa kutanga zvakare basa neChipiri kuti vaise mubumbiro zvinhu zvawiriranwa.

VaMwonzora vanoti Copac yawirirana kuti magavhuna ematunhu ange achisarudzwa nevamiri vevanhu, kwete kusarudzwa nemutungamiri wenyika.

Panyaya yemasimba ehurumende, kana kuti executive powers, VaMwonzora vati pawiriranwa kuti panofanirwa kuve nemutemo unobvumidza makurukota makumi maviri nemashanu chete, uye vashanu vacho vachisarudzwa nemutungamiri wenyika kubva kunze kweparamende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumumwe wemasachigaro eCopac ari kumirira Zanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro uhwu hunonzi hwasarira shure zvakanyanya nekuda kwekusawirirana kwemapato ari kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva.

Sachigaro wesangano riri kuda kuti munyika muve nebumbiro idzva rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanoti sangano ravo rakamirira nemaziso matsvuku kukurudzira vanhu kuti varambe bumbiro riri kunyorwa nehurumende vachiti zviri pachena kuti zvido zveveruzhinji hazvina kutambirwa.

XS
SM
MD
LG