Accessibility links

Breaking News

Copac Inoti Yagadzirira Kupinda muHarare neBulawayo


Komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo, yeCopac, inoti gadziriro yekunzwa pfungwa dzevanhu muHarare neBulawayo iri kufamba zvakanaka uye ichazivisa nezvehurongwa hwese neChitatu pachapera musangano wekuzeya nyaya dzisati dzawiriranwa.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti vanga vaine hurongwa hwekuti kuitwe misangano miviri pawadhi yoga-yoga muHarare, asi bato reZanu PF riri kupikisa hurongwa uhu, richida kuti paitwe musangano mumwe chete pawadhi yoga-yoga. Vatiwo pane hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevechidiki nevemamwewo mapoka akaita seevakaremara.

Sangano reHarare Residents Trust rinotiwo rinotyira kuti kungangoitike kutyisidzirana pamwe nekumanikidza vamwe kuti vaite zvavasingade muhurongwa hwemuHarare. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti Copac haisi kuburitsa pachena nezvemisangano yemuHarare. Vatiwo Zanu PF iri kukurudzira zvakasimba kuti nhengo dzayo dzipinde mumisangano yeCopac musi wa18 na 19 Gunyana.

XS
SM
MD
LG