Accessibility links

Breaking News

Meya weGweru Oisa Zvipikiri Munzeve?


Meya weGweru, VaHamutendi Kombayi, vanoti havazi kuzobva pachigaro chehumeya zvisinei kuti bato ravo reMDC-T range ravapa kusvika panopera gore ra 2013 kuti vange vabva pachigaro ichi.

VaKombayi vanoti havasi kubva pachigaro chehumeya nekuti havasati vatambira tsamba kubva kubato ravo reMDC-T yekuvazivisa nezvechisungo chakatorwa neNational Council yebato ravo chekuti vabve pahumeya.

Bato reMDC-T rakatora danho rekuti VaKombayi vabve pachinzvimbo ichi mushure mekunge ivo nemamwe makanzura eMDC-T mana vawanikwa vaine mhosva yekusatevedzera gwara raive ratarwa nebato rekuti makanzura eMDC-T avhotere VaCharles Chikozho sameya.

Bato reMDC-T rakapa VaKombayi kusvika musi wa31 Zvita kuti vabve pachigaro chehumeya voramba vari kanzura, zvichinji vaizodzingwa mubato kana vakatadza kutevedzera chisungo chekuti vabve pahumeya.

Asi VaKombayi vanoti nyaya yechisungo chebato reMDC-T ichi vari kungoinzwira mumapepanhau.

Vanoziva nezviri kuitika vanoti VaKombayi vakapiwa tsamba yaivaudza nezvechisungo chebato ravo.

Asi VaKombayi vari kuramba nerekuti havana kuwana tsamba iyi vachiti vachazoona zvekuita kana vatambira tsamba yacho. Vanoti pari zvino vanozviona vari munhu ane kodzero yekuve meya weGweru.

Pavakabvunzwa kuti bato reMDC-T richatora danho ripi kana VaKombayi vakaramba vachiomesa musoro sezvavari kuita, mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havangataure nyaya iyi nevemapepanhau nekuti havasati vanzwa kubva kuna VaKombayi mbune.

VaMwonzora vanotiwo senhengo yebato reMDC-T, VaKombayi vanoziva nzira dzekutora kana vaine zvavanoda kutaura kubato kana paine zvavanenge vasiri kufara nazvo.

VaMwonzora vanoti mamwe makanzura eMDC-T akarambawo kutevera gwara remusangano kune mamwe madhorobha munyika, akapiwa zvirango zvakasiyana-siyana zvaienderana nekukura kwemhosva dzavo.

Vamwe vagari vemuGweru vanoti danho rebato reMDC-T rekuda kudzinga VaKombayi pachinzvimbo chehumeya rinogona kukanganisa mafambisirwo emabasa ekanzuru sezvo kuchigona kuunza makakatanwa pakati pemakanzura.

Mune imwewo nyaya kanzura weWard 12 muguta reGweru, VaElvis Mavhondo, avo vakashaya pakupera kwesvondo, vakavigwa kumusha kwavo kwaGutu nemusi weMugovera.

VaMavhondo, avo vaive nhengo yeMDC-T vakaita kanzura mugore ra2003 vakave mumwe wemakanzura akagara pachinzvimbo ichi kwenguva refu.

Vasiya mudzimai nevana pamwe nevazukuru vane chitsama.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG