Makwikwi eAfrica Youth Games atarisana nedambudziko guru rekushaya vanhu vanouya kuzoona nemhaka yekusatamba zvakanaka kweZimbabwe.
Zvinozivikanwa kuti makwikwi akaita semaAfrica Region 5 Youth Games aya anowana rutsigiro rweveruzhinji kana vepamusha vachitamba zvakanaka.
Asi izvi hazvisi kuitika kuvatambi vemuZimbabwe avo vari kurakashwa zvichitevera kurohwa kwevatambi vese vetsiva vemunyika kunze kwemumwe chete, Dodana Ncube, uyo achiri kuwkwidza.
Chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaYoung Mighty Warriors chakanyadzisa zvikuru apo chakarakashwa 5-0 neSouth Africa neSvondo pamberi pemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vaive vauya kuBarbourfields Stadium kuzovhura makwikwi aya zviri pamutemo.
Mitambo yenhabvu iyi ndiyo iri kukwezva veruzhinji vakati wandei asi vatambi vacho havasi kufadza mushure zvekare mekunge chikwata chemaYoung Warriors chaita mangenge 0-0 neMozambique.
Mozambique haina mukurumbira munhabvu muAfrica zvekuti maYoung Warriors aitarisirwa kurova chikwata ichi zvine mutsindo.
Zvisineyi, maYoung Warriors anofanira kukunda mumitambo yavo miviri yasara kuti varambe vari mumakundano aya.
Vatsigiri vari kusimudza mureza ndiValeria Bhunu na Rodzai Saurombe vemutambo wetenisi avo vakakunda mumitambo yavo yekutanga.
Saurombe akafamba nzendo refu kubva kuAmerica kwaanogara achiuya kuzokwikwidza mumitambo iyi.
Asi pachiri nemitambo yakawanda ichiripo mubasketball, athletics, volleyball pamwe ne netball zvekuti Zimbabwe inofanira kukunda kuti vanhu varambe vachiuya kuzokuza.
Chikwata che basketball chevanhurume chine mutoro mukuru apo chiri kusangana neAngola iyo ine mukombe wemuAfrica manheru eMuvhuro.
Mitambo yevechidiki yakaita semaAfrica Region 5 Youth Games inoratidza ramangwana renyika mune zvemitambo zvekuti kukundikana mumakwikwi aya hakuratidze ramangwana rakajeka.
Totarisa zvenhabvu yemuBarclays English Premiership yeku Britain.
Vanobhaja nhabvu vakavhundutswa apo chikwata cheChelsea chakakundwa 2-1 neNewcastle.
Vashoma vaitarisira kuti izvi zvingaitike as zvibodzwa zviviri zvakanwiswa naPapa Cisse wekuSenegal zvakapa Newcastle mapoinzi matatu kunyange hazvo Didier Drobga akakanwisira Chelsea.
Izvi zvaitawo kuti hutungamiri hweChelsea hudimburwe kusvika pamapoinzi matatu chete mushure mekunge Manchester City yakakunda Everton 1-0 muEtihad Stadium.
West Ham yakwira kusvika pachinhanho chechitatu asi izvi zvingangosanduka manheru eMuvhuro sezvo chikwata chiri pachinhanho chechina cheSouthampton chiri kusangana nechiri pachinzvimbo chechishanu cheManchester United.
Mimwe mitambo yakapera seizvi:
West Ham 3 Swansea 2
Aston Villa 2 Leicester 1
Hull 0 West Brom 0
Liverpool 0 Sunderland 0
QPR 2 Burnley 0
Tottenham 0 Crystal Palace 0
Stoke 3 Arsenal 2