Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yovhurira Mvura Vakanga Vavharirwa Mvura


Kanzuru yeguta reHarare yakomekedza neMuvhuro vakuru vanoona nezvemvura muguta iri kuti vavhure mvura mudzimba dzose dzava nemwedzi inosvika minomwe dzavharirwa mvura nepamusana pekutadza kubhadhara mari dzemvura.

Kukomekedzwa uku kwaitika mushure mekunge sangano re Combined Harare Residents Association, CHRA, raenda kukanzura pamwe chete nevagari vemuDzivarasekwa vachinosvitsa chichemo chavo chekuvharirwa mvura.

Nhengo dzeCHRA dzaita musangano nemutevedzeri wameya weHarare, Va Emmanuel Chiroto, pamwe nemunyori weguta, Va Tendai Mahachi.

VaChiroto vanoti vanga vasingazivi kuti kune vanhu vakavharirwa mvura nevashandi vemukanzuru yavanotungamira. Va Chiroto vanoti vanhu vari kuvharira vanhu mvura vari kuita zviri kunze kwemutemo wekanzuru.

Mukuru we Combined Harare Residents Association, Va Mfundo Mlilo, vanoti vari kukurudzira kuti vanhu vakavharirwa mvura mudzimwe nzvimbo muHarare vabude pachena nekuti dambudziko rezvirwere zvemanyoka nemudumbu zvanetsa muguta.

Guta reHarare rava nevanhu vanodarika zviuru zviviri vabatwa nechirwere che typhoid.

Gurukota rezvehitano, VaHenry Madzorera, vanoti bazi ravo riri kuedza neparinogona napo kurwisa zvirwere zvinokonzerwa nemvura yakasviba.

XS
SM
MD
LG