Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Dzotema Zvirimwa zveVanhu muBulawayo neHarare


Kanzuru yeHarare neyeBulawayo dzakatanga hurongwa hwekutema chibage chakarimwa mune dzimwe nzvimbo dzemaguta aya izvo zvava kupa kuti mumaguta aya muite mvongamupopoto.

Vamwe vanoti zvakaitwa zvekutema chibage zvakanaka nekuti kurima mumadhorobha kunogona kupa kuti nzizi dzipwe nenyaya yekuzara nejecha rinenge rakukurwa.

Nyanzvi dzezvemamiriro ekunze dzinotiwo kurima mumadhorobha kunopawo kuti mvura ishatiswe nemishonga inoshandiswa mukurima.

Asi vamwe vanoti zvekurima mumadhorobha zvinopa kuti vanhu vawane chouviri sezvo munyika muine kushomeka kwechikafu.

Chiri kunetsa muHarare inyaya yekuti makanzura anoti handiwo akati chibage chitemwe izvo zvopa kuti paite kunakurirana nyoka mhenyu pakati pemakanzura nevashandi vemukanzuru.

Gweta rinooona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa, VaShamiso Mutisi, vanoti kurima panzvimbo dzisina kufanira kunokanganisa mvura yemumaguta.

Mutungamiri wesangano reDemocratic Councils Forum, VaLast Maingehama, avo vaimbovawo kanzura muHarare, vanoti mapurisa ndiwo vakati zvirimwa zvemuHarare zvitemwe makanzura asina ruzivo nazvo.

XS
SM
MD
LG