Kambani inogadzira zvekudya kubva mumukaka, yeNestle Zimbabwe (Pvt) Ltd inonzi neChipiri yakaparura chirongwa chekumutsiridza kuchengetwa kwemombe dzemukaka, kuburikidza nekupinza munyika mombe dzemukaka dzinosvika zviuru zviviri, uye dzichikosha mamiriyoni manomwe emadhora, kubva kuSouth Africa.
Bepanhu reChronicle rati chirongwa ichi chakaparurwa papurazi reDendairy, riri kuKwekwe.
Vachitaura nevatori venhau pakuparurwa kwechirongwa ichi, mukuru wekambani yeNestle Zimbabwe (Pvt) Ltd, VaKumbirayi Katsande vakati kambani yavo ichapinza mombe idzi mukati memakore manomwe, uye dzichapiwa kuvarimi vakasiyana siyana, kusanganisira varimi vadiki vakagariswa patsva, avo vachange vachiwaniswa mombe mbiri pamhuri.
Zimbabwe yaimbenge iri imwe yenyika dzaiburitsa mukaka wakawanda zvikuru, asi kubva pakatangwa chirongwa chekutora ivhu, varimi vazhinji vaichengeta mombe vakarasikirwa nemapurazi avo pamwe nemombe dzavo.
Kareko, Zimbabwe yaiwana mukaka waisvika marita 260 million, zvichienzaniswa nemarita mamiriyoni makumi mashanu wave kuwanikwa iye zvino.
Nyanzvi munyaya dzekurima VaThomas nherera vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chakanaka zvikuru, uye pane tarisiro yekuti pawaniswe mabhuru achabatsira kuwedzera mhou dzemukaka idzi.
VaMoses Jiri, vanowe sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima vatiwo kambani yeNestle Zimbabwe inofanirwa kuzotumira zvakare nyanzvi mune zvekuchengetwa kwemombe kuti vadzidzise varimi vatsva vachapiwa mombe idzi.