Accessibility links

Breaking News

Air Zimbabwe Yotanga Kubhururuka Katatu paSvondo


Kambani yeAir Zimbabwe, iyo yakambomira kubhururuka muna Kukadzi zvichitevera kusafamba zvakanaka kwange kuchiita zvinhu mukambani iyi, inonzi yatanga zvakare kubhururutsa imwe ndege yayo neChitatu.

Asi zvinonzi ndege iyi yange ine vanhu vatatu chete parwendo rwekubva kuBulawayo ichienda kuHarare. Ndege iyi inotakura vanhu zana nemakumi matatu parwendo rwumwe chete.

Vane ruzivo vanoti rwendo rwendege iyi haruna kushambadzwa zvakakwana, vamwewo vachiti vanhu vanotya kukwira Air Zimbabwe vachiti indege isina zvinhu zvakakwana.

Air Zimbabwe ichange ichibhururuka katatu pasvondo pamazuva anoti Muvhuro, Chitatu ne Chishanu.

Rwendo rwendege idzi rwuchange rwuri pakati peHarare, Bulawayo ne Victoria Falls.

Muna Zvita gore rapera, Air Zimbabwe yakatadza kubhadhara chikwereti che$1.5 million ikabatirwa ndege yayo panhandare yendege muLondon yeGatwick nezvikonzi zvainge zvakamirira kambani yekuAmerica, yeAmerican General Supplies, iyo inogadzira masimbi aishandiswa kugadzira ndege.

Gurukota remakambani ehurumende, Va Gorden Moyo, vanoti hurumende haisi kuzosiya Air Zimbabwe ichifa uye iri pakati pekutsvaga vanoda kudyara mari dzavo muAir Zimbabwe kuitira kuti vamutsiridze kambani iyi.

VaMoyo vanoti kambani itsva iyi ichange ichinzi Air Zimbabwe Airlines.

Nyanzvi inowongorora nezvehupfumi uye vari mukuru wekambani ye Coalition For Market And Liberal Solutions, Va Rejoice Ngwenya, vanoti hurumende inofanirwa kutengesa kambani ye Air Zimbabwe sezvo pasina tarisiro yekuti ichakwanisa kumutsiridzwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revakuru veAir Zimbabwe, iyo ine chikwereti chinodarika zana nemakumi mana emamiriyoni emadhora..

XS
SM
MD
LG