Accessibility links

VaBennett Voendeswa kuMatare naJustice Bhunu Vari Kuda Kuripwa

  • Violet Gonda

Mutongi wedare repamusoro, Justice Chinembiri Bhunu, vari kuendasi bepanhau re Guardian Newspaper reku United Kingdom pamwe nemubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Roy Bennet, kumatare.

VaBhunu vari kuda kuripwa mari inosvika miriyoni imwe chete yemadhora vachiti Va Bennett vakasvibisa chimiro chavo mubepanhau re Guardian gore rapera.

Vari kudazve kuendasa munyori webepa iri, David Smith, kumatare vachiti ndiye akanyora nyaya inosvibisa zita ravo mushure mekunge ataura naVaBennett.

Guardian yakanyora nyaya yaVaBennett ichiti VaBhunu, avo vaiva mutongi munyaya yaipomerwa VaBennett gore rapera yekuda kuuraya mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaiva mutongi asina kuchena, vachiti VaBhunu mumwe wevanhu akapihwa minda, nokudaro vaizotonga nyaya yavo vaine divi ravakarerekera.

Mapepa ekukwidza VaBennett kumatare akatoendeswa kugweta ravo, Amai Beatrice Mtetwa, svondo rino.

Pari zvino VaBennett vari kugara kuBritain. VaBennett vanoti kumbunyikidzwa kwavo neZANU-PF kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange havo vari kure.

VaBennett, avo vanozivikanwa zvakare nerekuti Pachedu, vanoti kuendeswa kwavakaitwa kujeri kwemwedzi mipfumbamwe nehurumende yaVaMugabe, kwaisava pamutemo asi kuti yaive nzira yekuvambunyikidza.

VaBennett vanoti havasi kudzokera kuZimbabwe nokuti vanoziva kuti vakatsika gumbo ravo muZimbabwe, vanenge vazvikanda mukanwa mamupere.

XS
SM
MD
LG