Accessibility links

JOMIC Yotsika Madziro Ichiti VaChihuri Vauye Kuzosangana Nayo

  • Blessing Zulu

Zimbabwe's Police Commissioner General Augustine Chihuri (R) addresses a media conference in the capital Harare, June 23, 2008. Chihuri denied that opposition leader Morgan Tsvangirai was in danger. Tsvangirai has taken refuge in the Dutch embassy after p

JOMIC inoti yatuma zvakare gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, kuti vaudze zvakare mukuru wemapurisa, Police Commissioner General Augustine Chihuri, kuti vauye kuzoita musangano neboka iri.


JOMIC iri kuda kutaura naVaChihuri pamusoro pemhirizhonga uye kusungwa kwevanhu vachitariswa kuti wabuda mumba maani.

Svondo rapera VaChihuri vakaramba kusangana neJOMIC vachiti iri kusangana kare nevamwe vari pasi pavo.


Vamwe muMDC nemumasangano akazvimirira oga vanoti VaChihuri, avo vane temu yakapera muna Gunyana, vanofanira kuti vachiende pamudyandigere. Asi veZanu-PF vanoti izvi zviroto.


Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti temu yaVaChihuri ichawedzerwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muna kukadzi gore rinouya. VaMugabe vanogara vakawedzera nguva yekuti VaChihuri varambe vari pabasa gore rega rega.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, icho chakaumba hurumende yemubatanidzwa, VaMugabe havana masimba ekuita izvi vega, sezvo vachisungirwa kugara pasi nevamwe vavo muhurumende, votanga vawirirana.

Nhengo yeMDC-T muJOMIC, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti VaChihuri vakaramba kuuya kumusangano wavo, vachakwidza nyaya iyi kuvatungamiri vehurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaTrevor Masiri, avo vanoshanda nesangano reAfrica Reform Institute, vanotiwo zvinokwanisika kuti VaChihuri vauye kumusangano wayo kana vatungamiri vehurmende vakavakomekedza.

XS
SM
MD
LG