Accessibility links

Breaking News

Varimi Vakakwereteswa neHurumende Havasi Kubhadhara Zvikwereti Zvavo


Kurima Fodya
Kurima Fodya
Hofisi inoongorora mashandisirwe emari yehurumende yaComptroller and Auditor – General, inoti varimi vakawana rubatsiro rwezvekurimisa pachishadiswa chikwereti chemamiriyoni mazana maviri emadhora kubva kuChina havasi kubhadhara zvikwereti zvavo.

Hofisi iyi inoti hurumende inogona kutadza kuwana mari iyi kubva kuvarimi ava yopedzisira iyo yobhadhara chikwereti ichi kuChina.

Ongororo yemashandisirwo emari nehurumende ichangobva kuitwa iyi yakaturwa muparamende nguva pfupi yapfuura, uye inoratidza kuti hurumende haisi kutora matanho ekuti varimi ava vabhadhare mari inoenderana nemidziyo yavakapihwa.

Semuenzaniso, mukuru mumahofisi a Comptroller and Auditor General, Amai Mildred Chiri, vanoti chikamu chinoona nezvekudiridzira mubazi rezvekurima chakapa varimi matiranzifoma anodarika zana nemichina yekupomba mvura inodarika mazana mana asi hachina kuudza varimi ava kuti zvinhu izvi zvaikosha marii.

Amai Chiri vanoti hurumende iri kutora nguva kubhadharisa varimi ava uye vari kutyira kuti hurumende inogona kutozotadza kuwana mari iyi zvachose kubva kuvarimi ava.

Vaimbove sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri, avo vakaedza napose pavaigona napo kutsvaga umbowo hwekuti ndivanaani vakapihwa midziyo nezvimwe zvekurimisa pachishandisa mari yakabva kuChina, vanoti vese vakapihwa zvinhu vanofanirwa kubhadhara kuitira kuti hurumende ikwanise kubhadhara chikwereti chayo.

VaJiri vanoti hazvina kunaka kuti hurumende ibhadhare mari asi iyo yakapa zvinhu kuvarimi vasina chavari kuunza kana kubatsira kuti nyika iwane chikafu chakakwana.

Mumwe murimi wekuKaroi, VaJulius Chibaya, vanoti apo hurumende iri kutadza kupa varimi zvekurimisa zvakakwana, zvakakosha kuti vese vakabatsirwa nemidziyo yekurumisa vabhadhare kuitira kuti hurumende igokwanisa kubatsira varimi vakawanda.

Kubvira makore gumi apfuura hurumende yange iri kupa varimi zvinhu zvekurimisi kusanganisira matarakita, majejo, ngoro nezvimwe uye zvinhu izvi zvaingopihwa zvichinzi vanhu vaizobhadhara pave paye.

Asi kusvika pari zvino hapana zvati zvabhadharwa kuhurumende.

Komiti yaitungamirirwa naVaJiri yakamboedza kubvunzurudza vaitungamira zvirongwa zvekubatsira varimi vakaita sevaimbova mukuru webhanga renyika, VaGideon Gono, nemukuru weGrain Marketing Board, VaAlbert Mandizha, asi vaviri ava vakaramba kutaura vachiti vainge vapa humbowo uhu kubazi rezvekurima.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekurima, VaJoseph Made, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti vanhu vakapihwa midziyo nezvinhu zvekurimisa vakuru vakuru muhurumende vanosanganisira makurukota eZanu PF.

Kutadza kubhadharwa kwemari iyi kunoitika apo banga re Agribank rakakundikanawo zvakare kuwana mari yakanga yakweretwa nevakuru vakuru muhurumende yeZanu PF.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG