Accessibility links

Breaking News

Ishe Mutambara Vovhiringidza Mabasa eKanzuru kuChipinge West?


Mumwe kanzura wekuChimanimani West mudunhu reManicaland anoti mabasa ake ebudiriro ari kuvhiringidzwa naishe wemunharaunda make, nepamusana pekuti inhengo yeMDC. Kanzura uyu anoti munhu ari kuita izvi ndi Ishe Blessing Chinonzura Mutambara.

Kanzura Tsandukwa vanoti mambo mutambara havasi kuda kuti veruzhinji munzvimbo yeChakohwa vabatane navo mukufambisa mabasa ebudiriro munzvimbo mavo. Kanzura Tsandukwa vanoti vakagadzirisa zvirongwa zvebudiriro munzvimbo yavanomirira mukunzuru, kuitira kuti mabasa ebudiriro afambire mberi.
Asi vanoti izvi zviri kurambwa naIshe Mutambara.
Kanzura Tsandukwa, avo vanomirira ward 3, vanoti Ishe Mutambara vari kuita zvematongerwo enyika, kunyange hazvo madzishe achitarisirwa kunge asina bato ravakarerekera.

Ishe Mutambara vanonzi zvakare vari kushungurudza masabhuku ari kushanda nakanzura Tsandukwa kuChimanimani. Kanzura Tsandukwa vanoti mumwe sabhuku munzvimbo iyi, sabhuku Erina Nechitima, vakamiswa basa mazuva mashoma apfuura vachipomerwa mhosva naIshe Mutambara yekushanda nakanzura weMDC.

Kanzura Tsandukwa vanoti pamabasa avo akamiswa nekuda kwaIshe Mutambara, anosanganisira ekugadzirisa madhibhi, zvikoro, migwagwa nezvimwewo. VaTsandukwa vanoti vane vimbo yekuti Ishe Mutambara vachashandura mafungiro avo panguva ino sezvo munyika muine hurumende yemubatanidzwa.

VaBrian Nyamanhindi, avo vanoshanda nesangano re-Centre for Research and Development, iro riri kuziva zviri kuitika munharauenda iyi, vanoti zviri kuitwa naIshe Mutambara hazvina kunaka. VaNyamanhindi vanoti ishe anofanirwa kunge ari baba anotambira vana vose, zvisinei kuti mwana uyu abuda mumba maani.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naIshe Mutambara kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Chimanimani West Constituency ine mawadzi makumi maviri nematatu. Pamawadzi aya, gumi nematatu ari mumaoko emakanzura eMDC, ukuwo mawadzi gumi ari mumaoko eZanu PF.

XS
SM
MD
LG