Accessibility links

Breaking News

Inifuresheni yePagore Inodzikira Muna Chikunguru


Mitengo yechikafu inodzikira muna Chikunguru
Inifuresheni yepagore yakadzikira zvishoma mumwedzi waChikunguru kusvika pa 3.94% ichibva pa 3.97% mumwedzi waChikumi.

Bazi reZimbabwe Statistics Agency rinoti kuderera uku kwanyanya kukonzerwa nekudzikira kwemitengo yezvekudya. Sangano iri ratiwo inifuresheni yepamwedzi yakakwirawo kubva pa 0.20% muna Chikumi ichienda pa 0.23% muna Chikunguru.

Nyanzvi mune zveupfumi dzinoti zvinhu zvinenge zvakagadzikana munyika, izvo zviri kuita kuti mitengo yezvinhu idzikire zvishoma.

Svondo rapera sangano reConsumer Council of Zimbabwe rakazivisawo kuti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu yakadzikira nezvikamu 0.83% ichibva pamazana mashanu emadhora nemadhora makumi matanhatu nerimwe nemasendi gumi nematatu mumwedzi waChikumi.

Mumwedzi waChikunguru yakaenda pamadhora mazana mashanu nemakumi mashanu ane madhora matanhatu nemasendi makumi mana nemanomwe.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kuderera kweinifuresheni uku hachisi chinhu chikuru chingapembererwa.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG