Accessibility links

Breaking News

MDC-M Inoti Vanhu Vane Kodzero Yekutaura zveShanduko yeHurumende Munyika


Munyori anoona nezvekufambiswa kwemashoko muchikwata cheMDC chinotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaMorgan Changamire, vanoti hapana chakaipa kana vanhu vakataura nezvekushandurwa kwehurumende muZimbabwe, sezvo zviri zvimwe zvegutsaruzhinji kana kuti democracy zvinodiwa munyika.

VaChangamire vanoti nyaya yekuti munyika muve negutsaruzhinji ndiyo yakaita kuti ivo pamwe namushakabvu, VaEdgar Tekere, nevamwe, vabude muZanu PF mugore ra1989 vachinovamba bato reZimbabwe Unity Movement.

Vanoti bato reZanu PF harifanirwi kuzviona sekunge ndiro chete bato rine kodzero yekuramba richitonga, sezvo ushe huchitambidzwana.

Zanu PF inogara yakapomera mapato anoipiksa mhosva yekuda kubvisa hurumende yaVaRobert Mugabe pachigaro, uye vanhu vakawanda vakamiswa pamberi pedzimhosva vachipomerwa mhosva imwe cheteyo, kunyange vachizochenurwa nematare edzimhosva.

XS
SM
MD
LG