Accessibility links

Breaking News

Musangano weIcasa Wodhurira Vanoshaya


Musangano weIcasa
Musangano weIcasa

Musangano we International Conference on AIDS and STIs in Africa, Icasa, uri kuenderera mberi muguta reHarare vamwe vachichema nerekuti havana mari dziri kubhadhariswa kuti vapinde mumusangano uyu.

Kunyange hazvo vanhu vazhinji vari kufarira zviri kuitwa kuIcasa, uko vanoti vari kudzidza zvakawanda pamusoro peHIV/ AIDS, vamwe vagari vemuHarare vanoti vari kutadza kupinda mumisangano iyi nepamusana pemari dzavari kunzi vabhadhare kuti vanzwe zviri kukurukurwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevanhu vasiri kufara nazvo ndiMuzvare Liniah Mugwagwa, avo vashora zvikuru musangano weIcasa vachiti mari yaidiwa kunyoresa kuti munhu apinde yakawanda zvikuru.

Munhuwo zvake akabhadhariswa mazana matatu emadhora kuti akwanise kupinda mumusangano uyu. Asi zviratidzwa zviri panze zviri kuonekwa kunyange nevasina kubhadhara.

Icasa inoti yakatoderedza mari dzinobhadharwa neveruzhinji kubva pamazana matanhatu emadhora kusvika pamazana matatu emadhora.

Inotiwo vanhu vakapihwa mukana wekunyorera kuhurumende kuti vawane rubatsiro rwemari yekuti vapinde mumisangano yeIcasa gore rino.

Asi Muzvare Angela Makamure, mumwe wevari pagungano iri, varumbidza kuitirwa kwechirongwa ichi muHarare.

Muzvare Makamure vanoti musangano uyu unobatsira Zimbabwe kunyange munyaya dzezveupfumi.

VaCollen Magobeya vanobika mafirimu muZimbabwe vanotiwo gungano reICASA ravavhura njere dzavo zvichavabetsera kubika mafirumu ane chekuita neHIV/AIDS

Mumwe mushandi musangano reGays and Lesbians Association of Zimbabwe asina kudak udomwa nezita rake ati sesangano vafara zvikuru nekuwana mukana wekuratidza nekutaura nevanhu sezvo vasingagamuchirwi nehurumende yaVaMugabe.

ICASA musangano mukuru wemuAfrica unenge uchitaura nyaya dzeHIV/AIDS unoitwa kamwe chete pamakore maviri.

Musangano uyu uri kuitirwa muZimbabwe sezvo wakabviswa kuTunisia nekuda kwekusamira zvakanaka kwenyika iyi munyaya dzezvematongererwo enyika.

Musangano we 2015 Icasa uri kupera musi weChishanu.

XS
SM
MD
LG