Nyaya yekuurayiwa kwenzou muHwange National Park inenge yave kunongedza kuvashandi vanotarisirwa kunge vachichengetedza mhuka idzi.
Vashandi ava vanonzi havasi kubhadharwa mari dzavo dzemihoro nenguva, izvo zvava kupa kuti pabude mashoko ekuti vashandi ava vane chekuita nekufa kwenzou idzi.
Bepanhau reku Britain, reDaily Mail, rinoti vashandi vari kunyunyuta nenyaya dzemihoro ndivo vanogona kunge vari kuuraya nzou idzi nemuchetura we cyanide.
Bepanhau iri rinoti vashandi ava vave nemwedzi yakati kuti vasati vatambiriswa mihoro yavo.
NeMuvhuro wesvondo rino nzou makumi maviri dzakawanikwa dzakafa munzvimbo ye Sinamatela muHwange National Park makare.
Zvinonzi pakawanikwawo zvakare nyanga dzenzou makumi matatu neshanu. Izvi zvasvitsa huwandu hwenzou dzaurayiwa nemuchetura mumwedzi uno chete kumakumi matanhatu nembiri.
Munyori mubazi rezvezviwanikwa, VaPrince Mupazviriwo, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi sezvo vachangodzoka kubva kunze kwenyika kwavanga vari.
Asi mumwe mushandi mubazi iri asina kuda kudomwa nezita aunoti hazvirambiki kuti vashandi vanogona kuve nechekuita nekuurayiwa kwenzou uku sezvo nzvimbo dziri kuwanikwa nzou idzi dzakafa dziri nzvimbo dzinotarisira kunge dzakachengetedzwa.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemhuka reZimbabwe Conservation Trust, VaJohnny Rodriguez, vanoti kugadzirisa dambudziko iri kungobhadhara vashandi mari dzavo uye nekuona kuti mune remangwana vatambiriswa paine nguva.