Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akazvitakura Oramba Achifa Munguva yeKusununguka


Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti zvinhu zvinorwadza kuona kuti huwandu hwemadzimai ari kufa achisununguka huchiramba huchikwira.

Muzvare Khupe vanoti huwandu uhwu hwakakwira kubva pamazana manomwe nemakumi maviri nevashanu kusvika pamazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu pamadzimai zana rezviuru anosununguka vana vari vapenyu.

Muzvare Khupe vanoti kushaya kwemadzimai pamwe nevana pakusununguka kuri kukwira zvekuti panofanirwa kuwanikwa nzira dzekudzivirira dambudziko iri. Vanoti zvakakosha kuti pasave nemari inosungirwa madzimai aya kubhadhara semari dzemateneti.

Madzimai akazvitakura akawanda anonzi ari kutadza kuwana mari dzinodiwa kuti vabhadhare vasati vatambirwa muzvipatara.

Asi zvimwe zvipatara zvinoti zviri kutadza kuita mabasa azvo nokuti madzimai anenge abatsirwa haasi kubhadhara zvipatara zvinenge zvavabatsira.

Semuenzaniso, chipatara cheHarare Central chinonzi chakarasikirwa nemari inodarika mamiriyoni masere emadhora kuburikidza nemadzimai anonzi ari kutiza asina kubhadhara mari dzemiripo mushure mekubatsirwa pakusununguka.

Asi Muzvare Khupe vanoti nyika inofanirwa kuita zvakawanda kuitira kuti ikwanise kuzadzisa zviga zvebudiro dzakatarwa nesangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, re United Nations Millenium Development Goals.

Muzvare Khupe vanoti panofanirwa kuiswa mari nekukasika kubva muhomwe yezvehutano, yeMulti-Donor Health Fund pamwe nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzemadzimai, Amai Mabel Mutyava, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvakawanda zviri kukonzera kufa kwemadzimai achisununguka, zvakaita sedzidziso kumadzimai aya, pamwe nekubviswa kwemari dzinobhadharwa kuti madzimai aoonekwe navana chiremba.

Nhengo yesangano revanhu vanoshandisa mishonga yechivanhu, yeZinatha, Sekuru Sibanda vanotiwo madzimai mazhinji ari kushaya mari dzekubhadhara muzvipatara izvo zviri kuita kuti vafire mudzimba.

Sekuru Sibanda vanoti kuchivanhu vanopawo mishonga yakasiyana siyana inobatsira panguva yekusununguka kwemadzimai.

XS
SM
MD
LG