Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZINASU Dzinosungirwa Kuratidzira kuBindura


Chimwe chikwata chesangano revadzidzi reZINASU, chinoti vadzidzi makumi maviri nevashanu, kusanganisira vamwe vatungamiri vechikwata ichi, vasungwa nemapurisa paBindura University of Science and Education. Vadzidzi ava vasungwa nemapurisa mushure mekuratidzira kwavaita pachikoro ichi.

Vasungwa vanosanganisira mutungamiri wechikwata ichi, VaJoshua Chinyere, munyori mukuru, VaGrant Tabvurei, pamwe nevamwe vadzidzi vepachikoro ichi.

Zvinonzi hutungamiri hwechikwata cheZINASU ichi, hwashanyira chikoro ichi ndokuwana vadzidzi vachirambidzwa kunyora bvunzo sezvo vanzi vane mari dzechikoro dzavasati vabhadhara.

Izvi zvinonzi zvazoita kuti hutungamiri uhu husangane nevatungamiri vechikoro, asi hazvina pundutso yazvaburitsa, izvo zvazosvitsa kuti vadzidzi ava varatidzire.

Mutevedzeri wemutungamiri wechikwata ichi, Muzvare Georgina Sango, vaudza Studio7 kuti vanga vashanyira chikoro ichi kuitira kuti vasangane nevadzidzi, sezvo vari vatungamiri vatsva vachangobva mukusarudzwa.

XS
SM
MD
LG