Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotyisidzira Kuvhara Zvikoro Zvisina Kunyoreswa


Apo pasi rose riri kucherechedza svondo redzidzo, reInternational Education Week, hurumende inoti ingangovhara zvikoro zvinopindwa nevana vasati vatanga kudzidza gwaro rekutanga, kana kuti Grade One.

Hurumende inoti zvikoro izvi, izvo zvinodarika mazana matanhatu, hazvina kunyoreswa nebazi rezvedzidzo uye hazvisi kutevera kuita zvehutsanana izvo zviri kuisa hupenyu hwevana vadiki ava munjodzi.

Zvinonzi mune zvimwe zvikoro zverudzi urwu, vana vanosvika makumi mashanu vari kushandisa chimbudzi chimwe chete uye vasina pekugezera maoko.

Vakafanobata chigaro chemunyori mubazi rezvedzidzo, Reverend Paul Damasane, vakaudza bepanhau reThe Herald kuti hurumende haitambiri zvakadai, vachiti ibasa rehurumende kuchengetedza pamwe nekudzivirira vabereki kubva kune vanhu vanotanga mabhizimusi ekuda kukama mari dzevanhu.

VaDamasane vanoti hurumende ine chirongwa chekudzidzisa vana vadiki ava pasi pemutemo weEarly Childhood Development Act, uyo wakadzikwa muna 2005. Vanotiwo zvikoro zvehuremende zvizhinji zvave nezvidzidzo zvevana vadiki ava zveGrade Zero.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, kuti tinzwewo divi ravo.

Mumwe muzvinachikoro asina kuda kudomwa nezita rake ari muHarare anoti ari kukurudzira hurumende kuti ipe zvikoro izvi marezinesi, uye kuti inge ichiongorora mafambisirwo emabasa ezvikoro izvi mwedzi woga woga.

Mumwe mubereki wemuHarare, Amai Sithembile Mlambo, avo vane mwana ari kupinda chimwe chikoro chakadai, vanoti zvikoro zvakazvimirira izvi zviri kuita basa guru kwazvo rekudzidzisa vana vachiri vadiki zvidzidzo zvakaita sekushandiswa kwema computer, izvo zvisingawanikwi muzvikoro zvehurumende.

XS
SM
MD
LG