Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshandisa Mutemo Une Hutsine Pana VaMangoma


Elton Mangoma, centre, Zimbabwe's Minster of Energy and Power Development outside the magistrates courts, accompanied by two unidentified police detectives in Harare, Friday, March, 11, 2011. Morgan Tsvangirai, Prime Minster of Zimbabwe, castigated the ar
Elton Mangoma, centre, Zimbabwe's Minster of Energy and Power Development outside the magistrates courts, accompanied by two unidentified police detectives in Harare, Friday, March, 11, 2011. Morgan Tsvangirai, Prime Minster of Zimbabwe, castigated the ar

Hurumende yatadzisa gurukota rezvemhando dzemoto, Va Elton Mangoma, kuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa mushure mekunge hurumende yashandisa mutemo wehutsine we Section 121 Criminal Procedure and Evidence Act.

Mutemo uyu unopa hurumende masimba ekuvharira munhu mujeri kunyange hazvo dare redzimhosva rapa musungwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaMangoma vari kupomerwa mhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pakutengwa kwemamita emagetsi kuZESA.


Mutongi wedare repamusoro, Va Yunus Omerjee, vanga vatura mutongo wekuti Va Mangoma vatongwe vachibva kumba mushure mekusiya mapepa emba yavo yekuMabelreign kudare sechibatiso.

Va Omerjee vati VaMangoma vasabhadhare mari yechibatiso sezvo vakambobhadhariswa mari yakawanda pane imwe nyaya ichiri mumatare yakangoda kufanana neyavari kupomerwa pari zvino.

Kunyange hazvo gweta raVaMangoma, VaSelby Hwacha, vanga vabvumirana nemuchuchisi wenyaya iyi, VaTawanda Zvekare, kuti VaMangoma vatongwe vachibva kumba, VaZvekare vashamisa vanhu vanga vari mudare pavashandisa mutemo we Section 121 uri mu Criminal Procedure and Evidence Act, uyo unopa hurumende simba rekusendeka parutivi mutongo unenge waturwa nedare hurumende ichipihwa mazuva manomwe ekupikisa mutongo uyu kudare repamusoro.

VaHwacha naVaZvekare vambopihwa kanguva kekutaurirana kuti chii choitwa asi mutongi wedare, VaOmerjee, vazodzoka vachiti vange vasungwa mbira dzakondo nemutemo vachiti mutemo uyu hauvabvumire kuchinja mutongo wavanenge vatura kana hurumende yazivisa dare kuti inoda kupikisa mutongo uyu.

Izvi zvinotevera kupikiswa kwaitwa negweta rehurumende, VaZvekare, kuti VaMangoma vaende kuhofisi yavo yehurumende vachiti vanogona kuzokanganisana nemumwe wevafakazi panyaya yavari kupomerwa, vanove munyori mubazi rezvemhando dzemoto, VaJustin Mupamhanga.

Asi VaHwacha vati hapana humbowo hwaizovhiringidzwa naVaMangoma sezvo Va Mupamhanga vakatopa humbowo hwavo mudare neMuvhuro. VaHwacha vati VaMupamhanga vakatombobvakachira VaMangoma kujere zvinoratidza kuti vaviri ava vanga vachishanda zvakanaka.

Zvaitika mudare zvakonzeresa kuti VaMangoma vatadze kupinda mudare reparamende umo manga muchisarudzwa mutauriri wedare iri zvichitevera kurambwa kwakaitwa kusarudzwa kwaVaLovemore Moyo semutauriri wedare iri nedare repamusoro-soro re Supreme Court.

Kunyange hazvo VaMangoma vasina kuvhota, VaMoyo vakwanisa kuvhoterwa zvakare semutauriri weparamende, vachikunda sachigaro weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo nemumiriri weTsholotsho muparamende, VaJonathan Moyo.

VaMangoma vari kupomerwa mhosva yokushandisa chinzvimbo chavo zvsirizvo pakutengwa kwakaitwa mamita emagetsi uye vari kupomerwa mhosva imwe cheteyo pakutengwa kwakaitwa dhiziri rinokosha mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kubva kukambani ye Nooa Petroleum yekuSouth Africa. Asi VaMangoma vari kuramba mhosva dzose idzi.

Zvichakadai, kutongwa kwaVaMangoma panyaya yekutengwa kwakaitwa dhiziri kukambani yeku South Africa iyi kwatadza kuenderera mberi mushure mekunge vanochengeta vasungwa vatadza kuunza VaMangoma kudare vachiti vanga vasina mafuta emotokari dzinotakura vasungwa.

Kutongwa kwaVaMangoma kwakatarisirwa kuenderera mberi neChitatu apo VaMupamhanga vachabvunzurudzwa nemagweta aVaMangoma

XS
SM
MD
LG