Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kubatsira Varimi Vanoshaya


Hurumende inoti ichawanisa mbeu nefotereza kuvarimi vemumaruwa vanoshaya vanosvika mazana mashanu ezviuru.

Hurumende inoti ichaita izvi mumwaka uno wekurima pasi pechirongwa chine mari inoita mamiriyoni makumi mana nemashanu emadhora yakaiswa parutivi kuitira kuti igobatsira varimi vanoshaya.

Hurumende, kuburikidza nebazi reAgritex, inoti iri kudhinda mavhocha achashandiswa nevarimi ava kuitira kuti vakwanise kutora rubatsiro urwu kumadhepo eGrain Marketing Board, kana kuti GMB, ari mumatunhu ose enyika.

Mukuru weAgritex, VaJoseph Gondo, vakaudza bepanhau reThe Herald kuti hurumende iri pakati pekudhinda mavhocha aya ayo achazotorwa nevarimi mumahofisi avo ari mumatunhu ose ari munyika.

Murimi anenge achizotarisirwa kuwaniswa makirigiramu gumi embeu yechibage kana makirogiramu mashanu emapfunde, tsaga rimwe chete refotereza yepasi netsaga rimwe refotereza yepamusoro.

Nyanzvi munyaya dzekurima, VaThomas Nherera, avo vakambotungamira sangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, vanoti iri idanho rakanaka zvikuru sezvo chibage chizhinji chiri kurimwa munyika chiri kubva kumaruwa.

XS
SM
MD
LG