Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yorasiswa neMufakazi Wayo muNyaya Iri Kupomerwa VaBennett

Mufakazi mukuru panyaya iri kupomerwa mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, VaMichael Peter Hitschmann, varamba zvimwe zvezvombo
zviri mudare sehumbowo, zvinonzi nehurumende zvakawanikwa kumba kwavo muna 2006.

VaBennett vari kupomerwa mhosva yekuronga zvokuda kupidigura hurumende yaimbova yaVaMugabe pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Vachipa humbowo hwavo kekutanga mudare kubva zvakatanga kutongwa nyaya iyi mudare repamusoro gore rapera, VaHitschmann vati havazivi nezvepfuti nhanhatu dzanga dziri mudare. Mudare manga mune pfuti dzemhando iyi dzinokwana sere.

VaHitschmann vati chabuditsa pachena kuti pfuti nhanhatu idzi hadzisi dzavo ndechekuti pfuti idzi inhamba dzadzo dzinoratidza kuti
dzimwe dzaiva dzemasoja ekuCuba uye dzimwe dzaiva dzeRhodesian Army.

VaHitschmann vati semunhu aitenga nekutengesa pfuti, pfuti idzi vaidzitengeserwa nevanhu vakasiyana siyana, avo vanosanganisira vana muzvinapurazi. Vatiwo dzimwe dzavaiwana dzisina mapepa vaidziendesa kunochengeterwa pfuti kuManicaland Armoury maMutare uko
dzainonyoreswa.

VaHitschmann vaudzawo dare kuti havana chavanoziva nezvetsambambozha
dzavanonzi vakanyorerana naVaBennett vachironga zvokupidigura hurumende.

Vati mapurisa paakatora zvombo kumba kwavo kwaMutare muna 2006, akatorawo ma computer maviri. Vanoti imwe computer yaiva yemudzimai wavo, iyo yakazodzoswa nemapurisa kwapera gore. Vati computer iyi yakadzoswa isisina hard drive pamwe ne cd rom.

VaHitschmann vati pavaibvunzurudzwa vari muhusungwa, havana kupa mapurisa aya password yekupinda mutsambambozha dzavo.

Nokudaro, VaHitschmann vati tsambambozha dzaunzwa mudare vachinzi ndivo vainyorerana naVaBennett, vaisadziziva.

Zvichakadai, muchuchisi wenyaya iyi uye vari gweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana, varatidza VaHitschmann sitatimende yavanonzi vakapa mapurisa musi wa7 Kurume wemuna 2006 vari pakamba yemasoja yeAdams Barracks.

VaHitschmann vati vanoziva nezvesitatimende iyi uye vaudza dare kuti vakanyoreswa masitatimende akawanda husiku hwemusi uyu kusvika kwaedza.

VaTomana pavanga voda kupa mutongi wedare sitatimende iyi sehumbowo panyaya iri kupomerwa VaBennett, gweta raVaBennett, Amai Beatrice
Mtetwa, varamba izvi vachiti sitatimende iyi haina kushandiswa pakatongwa nyaya yaVaHitschmann, nokudaro, haifanire kushandiswa sohumbowo.

Amai Mtetwa vati mapepa ari pamberi pedare anoratidzawo kuti VaHitschmann vakapa sitatimende iyi vari pakati pekushungurudzwa, nokudaro haikodzere kushandiswa mudare sehumbowo.

Asi VaTomana vati mutemo unovachengetedza sezvo vachiti mufakazi wehurumende kana oda kupandukira hurumende, pane zvaakambotaura,
muchuchisi anofanira kuzvisvitsa kudare kuti rione kuti mufakazi akadai anenge asina kumira pachokwadi, uye anenge oramba zvaakambotaura.

VaTomana vati VaHischmann vanofanirwawo kutariswa semunhu aibatsirana naVaBennett mukuparwa kwemhosva dzavari kupomerwa.

AsiAmai Mtetwa vati VaHitschmann havafanire kuonekwa semunhu akadai, sezvo pasina humbowo hunoratidza kuti vaviri ava vaishanda pamwe chete mukupara mhosva dzavari kupomerwa, uye nokuti VaHitschmann vari kukwikwidza kubatwa kwavakaitwa nemhosva yokuwanikwa nezvombo zvisiri pamutemo mudare repamusorosoro reSupreme Court.

Vanhu vanga vari mudare vachinzwa nyaya iyi, vatyoka mbabvu nekuseka mushure mekunge VaHitschmann vati vakatanga kuziva VaBennett
nenyaya yokurova kwavakaita gurukota rezvemutemo, VaPatrick Chinamasa, muparamende, iyo yavati yainakidza semutambo we wrestling.

Nyaya iyi ichaenderera mberi neChitatu apo mutongi wedare, VaChinembiri Bhunu, vakatarisirwa kupa mutongo wekuti sitatimende yaVaHitschmann yavakapa vachishungurudzwa, yotambirwa here sehumbowo, kana kuti kwete.

VaBennett vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti zvine chokuita nezvematongerwo enyika. Nekune rumwe rutivi, VaMugabe vanoti havasi kuzogadza VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kudzamara vachenurwa nematare edzimhosva.

This item is part of
XS
SM
MD
LG