Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuti Ikoshese Dzidzo


Sangano re Zimbabwe National Students Union, (ZINASU) iro rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro rinoti riri kushushikana nekukwidzwa kuri kuitwa mari dzedzidzo izvo zviri kukonzera kuti vadzidzi vakawanda vadzingwe nekutadza kubhadhara mari idzi.

Sachigaro we Zinasu, vaJoram Chikwadze, vanoti pari zvino mari dziri kudaidzirwa muzvikoro izvi dzinobvira pamazana matatu emadhora patemu zvichikwira.

Vanoti mari idzi hadzisi kukwanisa kuwanikwa nevakawanda munyika sezvo mararamiro evanhu arikudhura asi mari dziri kubhadharwa vashandi dzisiri kuchinja.

VaChikwadze vanoti shuwiro yavo ndeyekuti hurumende ikoshese dzidzo nekuisa mari yekubatsira vadzidzi vasingakwanise kubhadhara muzvikoro sezvaimboitwa munguva yakare. Panguva iyi vadzidzi vaipihwa rubatsiro nehurumende vozodzesera dzimwe dzemari idzi vave kushanda.

Sangano reZINASU rinoti richi ramba richitaura nemakorokota anowona nezve upfumi nevanowona nezve dzidzo yepamusoro kuti vabatsire kusandura mamiriro akaita zvinhu parizvino.

Marvellous Mhlanga-Nyahuye we Studio7 aita hurukuro navaChikwadze kuti tinzwe zviri kuitika muzvikoro zvepamusoro.

XS
SM
MD
LG