Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoisa Ruoko Rwayo muNewZimsteel


Dare remakurukota rinonzi rave kurovazve nhendeshure panyaya yechibvumirano chayo nekambani yekuIndia yeEssar Holdings panyaya yekumutsiridza kambani yeNewZimsteeel yaizivikanwa nerekuti Ziscosteel.

Muna Kurume gore rapera hurumende yakatenderana neEssar kuti Essar itore zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Asi ikozvino hurumende yave kuti iri kuda kuti Essar ive nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana, kambani yehurumende yeZimbabwe Mining Development Corporation yoita zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Essar yange iinewo zvikamu makumi manomwe kubva muzana mukambani yezvicherwa yaivewo yeZisco yeBimco. Kambani yeEssar inoti yange yaisa mari inosvika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mashanu emadhora.

Asi chibvumirano ichi kubva pakutanga chagara chaita mutauro sezvo pakabva paita kunetsana pakati pegurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, avo vakanyorererana chibvumirano neEssar,negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu.

Mamwe makurukota anoti haana kufara nekuti Zimbabwe haina kunyatsowana zvakakodzera pachibvumirano ichi.

Mutevedzeri wasachigaro wekambani yeEssar, VaRavi Ruia, vanonzi vanofanira kutaura nezvechibvumirano ichi vanzi nehofisi yavo vange vachifamba nekudaro Studio 7 yatadza kutaura navo. Studio 7 hainawo kukwanisa kubata VaNcube kuti tinzwe divi ravo.

Asi VaMpofu vabvuma kuti dare remakurukota rati chibvumirano neEssar chivandudzwe sezvinodiwa nemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zviri kuitwa nehurumende panyaya yeEssar hazvisi kutevedzwa zviri kudiwa nemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema, nokuti mutemo uyu unopa zvizvarwa zveZimbabwe mukana wekuita mabhizinisi nevekunze, kwete kuti hurumende ipindire mumabhizinisi aya.

Sachigaro wesangano revashandi reNewZimsteel Joint Unions Committee, VaBenedict Moyo, vanoti vashandi vari kunonga svosve nemuromo apa hurumende isiri kubuda nehurongwa hwakajeka pakambani iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaBrigs Bomba, avo vanoshanda vakazvimirira, vanoti zvoitwa nehurumende zvinopa vanhu kuti vasade kuzotanga mabhizimisi munyika.

XS
SM
MD
LG