Accessibility links

Motokari Tsaru Dzvobvumidzwa Kutengwa Kunze kweNyika

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu nekufambiswa kwemashoko, VaNicholas Goche, neMuvhuro vakati hurumende yakambomisa kushanda kwemutemo unorambidza kupinzwa munyika kwemotokari tsaru dzine makore anodarika mashanu sezvo upfumi hwenyika husati hwasimuka.

Vachitaura pamberi pekomiti yeparamende inoona nekutakurwa kwezvinhu, VaGoche vakatiwo pane kutyirwa kuti motokari dzinobva kudunhu reFukushima kuJapan dzingangopinzwa munyika dziine muchetura (radioactive material) wakakonzerwa nekuparadzwa kwenzvimbo dzinochengeterwa mweya uyu netsunami yakarova nyika iyi gore rapera.

Hurumende yakadzika mutemo unorambidza kupinzwa kwemotokari tsaru dzine makore anodarika mashanu munyika mugore ra2010 we Statutory Instrument 154 on Road Traffic, uyo waifanirwa kutanga kushanda kutanga kwaKubvumbi 2011, asi yakazoumisa muna Gumiguru 2011, ichiti vanhu munyika vakanga vasingakwanisi kutenga motokari dzaigadzirwa kuWillowvale Motor Industry, idzo dzinonzi dziri kudhurira veruzhinji.

Sachigaro wekomiti yeparamende yezvekutakurwa kwezvinhu, VaBlessing Chebundo, vaudza Studio 7 kuti komiti yavo yaida kunzwa kuti hurumende yakazoguma papi panyaya iyi sezvo isina kunge yazovapira zviri pamutemo nezvekumiswa kushanda kwemutemo uyu.

XS
SM
MD
LG