Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Vashandi Vayo neMari Inosvika paMadhora Gumi neRimwe?


Hurumende inonzi yavimbisa kuwedzera vashandi vayo nemari iri pakati pemadhora mapfumbamwe nemadhora gumi nerimwe pamwedzi.

Izvi zvinoreva kuti mushandi anotambaira mari iri pasi pasi, achawedzerwa nemadhora mapfumbamwe, uye anotambira mari iri pamusoro soro muhurumende, achawedzerwa nemadhora gumi nerimwe.

Izvi zvaburitswa pamusangano waitwa neChina pakati pevamiriri vehurumende nevashandi. Nepamusana pekuti vanga vatsamwiswa nedanho ratorwa, vashandi vapa hurumende mazuva manomwe ekugadzirisa zvinhu.

Vashandi vanoti kana hurumende ikakundikana kugadzirisa zviri kunetsa, vachatora matanho akakodzera.

Varairidzi vari pasi peProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, vanga vasingashandi vachimirira zvichabuda mumusangano uyu, kunyange hazvo verimwe sangano reZimbabwe Teachers Association, Zimta, vanga vachishanda, asi vakamirirawo kunzwa zvichabuda mumusangano uyu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZimta kuti ichaiteyi zvichitevera mashoko ataurwa nehurumende.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi atambire mari inoenderana nePoverty Datum Line, iyo iri pa$502.00.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo dzichamboshanda kwemazuva manomwe aya dzichimirira zvichabuda mumazuva manomwe aya.

XS
SM
MD
LG