Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Vashandi Vayo Mari Dzekubatsirikana


انوکھے فن کا ماہر یہ آرٹسٹ پینٹنگ بنانے کیلئے ناک کے ذریعے رنگوں کو آنکھوں تک پہنچا رہا ہے۔
انوکھے فن کا ماہر یہ آرٹسٹ پینٹنگ بنانے کیلئے ناک کے ذریعے رنگوں کو آنکھوں تک پہنچا رہا ہے۔

Hurumende inonzi yabvuma kuwedzera vashandi vayo mari dzekubatsirikana asi hapana chafamba panyaya dzemihoro pamusangano waitwa neChitatu uyo wanga wakatarisirwa kuti ungangogadzirisa gakava riripo.

Semuenzaniso, mari yekufambisa yemushandi ari muGrade B inonzi yakwidzwa kubva pamakumi maviri emadhora kusvika pamakumi maviri nemasere emadhora pamwedzi. Mari yekubatsirikana nepekugara yakwidzwa kubva pamadhora gumi nemaviri, kusvika pamadhora makaumi matatu pamwedzi.

Mushandi ari pasi-pasi muhurumende anonzi ari kutambira mari inoita $186.00 pamwedzi. Asi vashandi vanoti vari kuda kuti vatangire pa $502.00 pamwedezi. Hurumende yakadavidzira musangano uyu neChipiri kuitira kuti izeye nyaya dzemihoro nevashandi vayo.

Sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti vakumbira kuita musangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, sezvo pasina zviri kuratidza kuti zvinhu zvichavanakira.

Vatiwo hurumende haina zvayataura pamusoro pekumutsiridza mari yekubatsirikana yevaraidzi vekumaruwa kana kuti rural allowance.

Amai Chikowore vati masangano evashandi achadzokera kunoudza nhengo dzawo zvabuda mumusangano uyu, uye zvichabva muvashandi ndizvo zvavachatevedzera.

Chief Executive Officer werimwe sangano revarairidzi reTeachers’ Union of Zimbabwe, VaManuel Nyawo, vanoti sangano ravo raramwa kupinda mumusangano uyu sezvo pasina zvitsva zvingapiwe nehurumende.

Vatiwo nhengo dzavo dzatotanga kuramwa mabasa uye vanovimba kuti mamwe masangano evashandi achabatana navo pakuramwa mabasa uku.

XS
SM
MD
LG