Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoudzwa neDare Kuti Idzorere Zvinhu zvaVaMaguwu


Dare repamusoro reHigh Court ratura neMuvhuro mutongo wekuti mukuru wesangano reCentre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vadzoserwe zvinhu zvavo zvinonzi zvakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori nemusi weMugovera panhandare huru yendege yeHarare International Airport.

Mutongi wedare repamusoro, Va Samuel Kudya, vati VaMaguwu vadzoserwe zvinhu zvavo izvi nechimbichimbi.

VaKudya vati hapana munhu anofanira kushungurudzwa panhandare yendege pamwe nenzvimbo dzose dzinobuda nekupinda nevanhu munyika.

Gweta raVaMaguwu, VaDenford Louis Halimani, vaudza Studio7 mushure memutongo uyu kuti vari kumhanyamhanya kuti vasvitse mutongo wedare kugurukota rinowona nezvevasori, VaSidney Sekeramayi.

Va Halimani vati VaMaguwu vanogona kuenda kumusangano uyu kana vakapihwa zvinhu zvavo nekukasika.

VaHalimani vati vangangoenda zvakare kumatare kuti Va Maguwu vadzoserwe mari yavacharuza nekutenga mamwe matikiti endege zvichitevera kutadza kubuda munyika kwavakaita pavakatorerwa zvinhu zvavo neMugovera.

VaMaguwu vakatorerwa kombiyuta yavo diki, mari inoita zviuru zviviri zvemadhora, pamwe nemapepa ezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Mbatya dzavo dzakanga dzakwidzwa mundege yeKenyan Airways dzinonzi dzakaburutswa nevasori uye vakamanikidzwa kuti vadhindise pasipoti yavo kudzoka munyika sezvo vakanga vaidhindisa kuti vave kubuda munyika.

Izvi zvakapa VaMaguwu kuti vatadze kuenda kumusangano wechitanhatu ku Ireland uri kudaidzwa kuti Sixth Dublin Platform for Human Rights Defenders.

Sangano raVaMaguwu riri kuongorora kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuminda yemangoda kwa Chiadzwa mudunhu reManicaland. Sangano iri rinoti vagari venzvimbo iyi vari kutyorerwa kodzero dzavo nemasoja pamwe nemapurisa asi hurumende inoti aya manyepo.

VaMaguwu vakambosungwa pakutanga kwegore rino ndokugara mujere kwemasvondo mashanu.

XS
SM
MD
LG