Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hurumende ichaenderera mberi nehurukuro nevashandi vayo panyaya yemihoro yavo gore rinouya uye ine zviri mugapu zvairi kufunga kuti zvinogona kuvafadza.
Asi mutungamiri werimwe sangano reZIMTA, VaRichard Gundani, vanoti vashandi vari kutoda kuti nyaya yezororo isendekwe parutivi kuitira kuti vaendere mberi nehurukuro nekuti kudhura kuri kuita zvinhu nekuwedzerwa kwemari dzevana vechikoro kunopa kuti kumira nhaurirano kwezuva rimwe chete chairo kuomesere vashandi.
Vashandi vapedza gore rino vachingoramwa mabasa nenyaya dzemihoro.
Vamwe vari kuenda mazuva mashoma sezvo vari kuri havana mari yebhazi neyekudya uku hurumende ichiti haina mari sezvo iri kuyedza kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
Facebook Forum