Accessibility links

Breaking News

Hofisi yeMuchuchusi Yopikisa Mutongo Wakapihwa VaBennett


Mubati wehomwe muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Bennett, neChitatu vakatadza kutora pasipoti yavo pamwe nemari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica kubva kudare ramejasitiriti kwaMutare.

Ukuwo muHarare, hofisi yemuchuchusi wenyika yakazivisawo zviri pamutemo kuti iri kupikisa mutongo wakapihwa nemutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, wekuti VaBennett havana mhosva yavakapara.

Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti ichokwadi kuti vadzokera kudare sezvo vaona zvakakodzera kuti nyaya iyi inzwikwe nevamwe vatongi vedare repamusoro soro.

Asi neMuvhuro VaTomana vakati hurumende yaitambira mutongo wakapihwa naVaBhunu.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nyaya iyi inoratidza kuti Zanu-PF yave kuda kuramba ichishungurudza VaBennett nekuvaendesa kumatare edzimhosva.

Vamwe muZanu PF vanonzi vari kupika kuti VaBennett havafe vakapinda muhurumende yemubatanidzwa.

VaChamisa vanoti VaBennett vakasarudzwa neMDC kuti vave mutevedzeri wegurukota rezvekurima, nokudaro Zanu PF haina masimba panyaya yaVaBennett.

XS
SM
MD
LG