Accessibility links

Breaking News

Mhururu Dzoitwa muHarare Zvichitevera Kumbomiswa Basa kwaVaMahachi


Vagari vemuHarare nemasangano anomirira vagari vemuguta iri vanoti vari kufara nedanho ratorwa nameya weguta ravo rekumbomisa munyori weguta basa achipomerwa mhosva yekutambirisana mazimari akawandisa, uku kanzuru ichitadza kuita mabasa ayo nemazvo.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa murimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vatambira danho ratorwa nameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, avo vanoti vatambidza munyori weguta, VaTendai Mahachi, tsamba yekumbovamisa basa.

VaShumba vanoti hurumende inofanira kuchitsigira kanzuru apo iri kuedza kugadzirisa zvinhu muguta iri.

Mashoko aVaShumba atsigirwawo nasachigaro wechikamu chinoona nezvezvirongwa musangano reCombined Harare Residents Association, Amai Evernice Manando, avo vanotiwo vafara nedanho ratorwa nekanzuru.

Vachiudza vatori venhau nezvedanho ratorwa nekanzuru yavo, VaManyenyeni vati kanzuru yavo yaida humbowo hwemari dziri kutambirwa sezvo vagari vari kuchema chema kuti VaMahachi nevamwe vavo vari kutambirisana mari dzakawandisa asi vachiti havana mari yekuita mabasa akaita sekutakura marara, kuwanisa vanhu mvura yakachena nezvimwe zvakadaro.

VaManyenyeni vati zvichitevera zvakabuda mumapepanhau zvekuti VaMahachi nevamwe vavo vari kutambira mari inodarika zviuru makumi matatu nezvishanu mumwe nemumwe pamwedzi, vagari vane shungu yekuda kuziva kuti mari dzavanobhadhara dzinoshandiswei.

VManyenyeni vati VaMahachi vakatadza kuburitsa humbowo uhu nekudaro kanzuru yawona zvakakodzera kuti vambomira basa kwemwedzi mitatu pachiferefetwa kuti vaishandisa sei mari yekanzuru.

Mumwe mugari wemuHarare ati anonzi Sally anoti hazvifaniri kuperera mukuferefeta chete, asi kuti wese anenge awanikwa aine mhosva anofanira kusungwa.

VaMahachi vachange vachitambira mari yavo apo vanenge vasiri pabasa uye VaManyenyeni vati vatozivisa gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, nezvedanho ravatora.

VaManyenyeni vange vakatarisirwa kuita musangano nemutevedzeri waVaChombo, VaJoel Matiza, pamwe nekudoma achasanobata chinzvimbo chemunyori weguta.
Hatina kukwanisa kubata VaMahachi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kubata VaChombo sezvo vange vachinzi vari kunze kwenyika nebasa.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti danho ratorwa nekanzuru ringadai rakaitwa kare.

Vati danho iri rakanaka chose uye bato ravo rinoshuvira kuti dai huwori hwese huri kuitwa nevakuru vakuru vekanzuru hwapedzwa kuitira kuti vanhu vemuHarare vagare zvakanaka.

Kumiswa basa kwaVaMahachi kunoitika apo gurukota rezvekuiburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vakazivisa neChitatu manheru kuti vese vachabatwa nemhosva yekuzvitambirisa mari dzakawandisisa kana kubira kambani yeZBC, vachasungwa.

Vachitaura nevatori venhau neChitatu manheru VaMoyo vakati vachatorawo matanho ekuti mari kana zvese zvakatorwa zvisiri pamutemo zvidzorerwe.

Mukuru weZBC, VaHappison Muchechetere, avo vaitambira zviuru makumi mana zvemadhora pamwedzi vakatomiswa basa pamwe nevamwe vavo sezvo nyaya dzavo dzave kuongororwa.

Vaimbove mukuru we Premier Service Medical Aid Society, VaCuthbert Dube, vakaendeswa pamudyandigere zvechimbi chimbi mushure mekuwanikwa vachizvitambirisa mari inoita mazana maviri nemakumi matatu ezviuru zvemadhora pamwedzi.

VaDube ndivo vaive zvakare sachigaro webhodhi re ZBC iro raitambirisa vakuru vepanhepfenuyro iyi mari yakawandisa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG