Accessibility links

Breaking News

Sangano Rinomirira Vagari muHarare, Chitungwiza, Ruwa neGoromonzi Roumbwa


Zvichitevera kuwanda kwaita masangano anomirira vagari mu Harare, Chitungwiza, Norton pamwe neGoromonzi, masangano anomirira vagari vemunzvimbo idzi vaumba neChipiri sangano rimwe chete richange rine basa rekumirira vagari munhaurirano nehurumende munyaya dzinobata magariro evanhu mupurovhinzi yeHarare.

Vachitaura pakuparurwa kwesangano iri, iro riri kudaidzwa kuti Harare Metropolitan Residents Forum, sachigaro we Combined Harare Residents Association, Va Simba Moyo, vati mubatanidzwa wavawumba uyu une basa guru rekumirira zvido zvevagari mupurovhinzi ye Harare panenge pachiitwa nhaurirano nehurumende.

Sangano idzva iri rawumbwa zvichitevera musangano wepagore weCHRA waitwa neChipiri wanga uine dingindira rekuti “Re-Thinking Local Governance in Zimbabwe”.

Sachigaro weHarare Residents Alliance, VaIsrael Mabhowo, vati vagari havasi kuda kuti makanzuru aise mamita emvura mudzimba iyo mvura yacho isiri kuwanikwa mudzimba dzakawanda mupurovhinzi yeHarare.

Vachivhura zviri pamutemo musangano wepagore weCHRA wechigumi neumwe chete waitwa mu Harare, meya weHarare, Va Bernard Manyenyeni, vakurudzira veruzhinji kuti vabhadhare mitero yavo kukanzuru paine nguva kuitira kuti kanzuru igokwanisa kuita zvinenge zvakatarisirwa nevagari.

VaManyenyeni vakurudzirawo masangano anomirira vagari kuti ashande pamwe chete nemakanzura kuitira kuti matambudziko anosangana nevagari akurumidze kugadziriswa.

Kuumbwa kwaitwa sangano reHarare Metropolitan Residents Forum hakurevi kuti masangano anga achimirira vagari apwanywa.

Vamiriri vemasangano aya vanoti masangano avo acharamba aripo uye pane hurongwa hwekukurudzira vari mune mamwe mapurovhinzi ose ari munyika kuti vaumbe sangano rimwe chete mupurovhinzi imwe neimwe rinenge richimirira zvido zvevagari vemupurovhinzi yega yega.

Vatiwo chinangwa chavo ndechekuti pazowumbwa rimwe sangano richange richibatanidza masangano ose evagari munyika yose kuitira kuti vagari munyika yose vakwanise kutaura nezwi rimwe chete mumatambudziko avanenge vachisangana nawo anosanganisira nyaya dzekushayikwa kwemvura, hutano, mitero nezvimwe zvakadaro.
XS
SM
MD
LG