Accessibility links

Breaking News

Harare City Yomirira Zimbabwe mu 2016 Caf Confederation Cup


Dorgommiin CAF,Federeshiiniin Waancaa Afrikaa akka karooraatti Ammajii 17,2015 jalqabdi
Dorgommiin CAF,Federeshiiniin Waancaa Afrikaa akka karooraatti Ammajii 17,2015 jalqabdi

Chikwata cheHarare City ndicho chabudirira kunomirira Zimbabwe mumakundano e2016 Caf Confederation Cup.

Izvi zvinotevera kukunda kwayakaita Dynamos mufainari yeChibuku Super Cup iyo yakaitwa mukupera kwesvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata ichi chichanyoreswa neZimbabwe Football Association kuConfederation of African Football sechimwe chezvikwata zviviri zvichamirira nyika mumakundano emuAfrica egore rinouya.

Confederation of African Football yakapa nyika dzose kusvika musi wa 30 Mbudzi kuti dzinyorese zvikwata zvichamirira nyika mumakundano eCaf Champions League neeCaf Confederation Cup.

Pari zvino, Zimbabwe ine zvikwata zviviri mumakundano maviri aya apo dzimwe nyika dzine zvikwata zviviri zviviri mumakundano maviri aya.

Mutsigiri weHarare City, VaTichaona Muzhuzha, vanoti vari kufara zvikuru nematambiro akaita chikwata chavo mumutambo neDe Mbare.

Mumwe mutsigiri weHarare City, VaRegis Mashayamombe, vanoti vari kutarisira kuti chikwata chavo chicharura apo chichatamba nezvikwata zvine mukurumbira muAfrica.

Asi murairidzi weDynamos, Tonderayi Ndiraya, anoti ari kufara nematambiro akaita vatambi vake kunyange hazvo De Mbare yakarohwa.

Ndiraya anoti Chibuku Super Cup ndiyo yavakange vakatarisira zvakanyanya asi vave kurwisa mitambo yasara yeCastle Lager Premier Soccer League kuti vaone kuti vanoguma vari papi.

Mukukunda kwavo, Harare City yakapihwa mari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora, Dynamos ikawanawo zviuru makumi mashanu emadhora.

Svondo rino, mitambo yave kudzokera kumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League.

XS
SM
MD
LG