HARARE —
Vanotyaira motokari dzinotakura vanhu mu Harare vanoti havasi kufara nekubairwa kwavari kuitwa mavhiri pamwe nekupwanyira mahwindo emotokari dzavo nemapurisa ekanzuru pamwe nee Zimbabwe Republic Police.
Vatyairi ava vanoti vari kubatwa zvisina kunaka nemapurisa ekanzuru pamwe nemapurisa anenge aine mboma ayo avanoti ari kupwanya mahwindo emotokari dzavo pamwe nekuvakandira minzwa yesimbi inobaya mavhiri kana vachinge vapara mhosva.
Mumwe mutyairi wekombi inotakura vanhu ichienda kumusha we Mabvuku, Va Champion Tsomondo, vanoti zvave kuvadhurira kuti vagadzirise motokari yavo kana vachinge vabairwa mavhiri kana kupwanyirwa mahwindo emotaokari yavo.
Mumwe mugari wemu Harare anofamba nemakombi mazuva ose achienda kubasa, Va Takawira Jemedze, avo vanogara mumusha we Budiriro, vanotiwo zviri kuitwa nekanzuru pamwe chete nemapurisa izvi zvava kuisa hupenyu hwavo parumananzombe sezvo vachiti vanenge vakabatira hura mumawoko pese pavanokwira kombi.
Va Tsomondo vakurudzira kanzuru kuti itsvage dzimwe nzira dzekubata vatyairi vanenge vatyora mitemo yemumigwagwa kwete kuisa hupenyu hwevatyairi pamwe nevanhu vavanenge vakatakura panjodzi.
Zvichakadai, meya we Harare, Va Benard Manyenyeni, vaudza Studio 7 kuti havana chavanokwanisa kutaura nezvenyaya iyi pari zvino sezvo vachiti vari kuda kumboferefeta.
Asi vamwe vevatyairi ava vanoti meya havafaniri kuti vataure kuti vanoda nguva yekumboferefeta sezvo iri kanzuru yavo iri kuita izvi. Vati ivo semunhu anotungamira kanzuru yeHarare vanofanira kunge vachiziva zvose zviri kuitika mukanzuru.
Tsvagiridzo yaitwa ne Studio7 yaburitsawo pachena kuti vemakombi vanozobayirwa mavhiri pamwe nekupwanyirwa mahwindo kana voda kutiza mapurisa anenge achida kuvasunga kana vapara mhosva.
Vamwewo vemakombi vanoti zviri kuitwa nekanzuru ichishanda pamwe chete nemapurisa hazvisi pamutemo.