Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haisi Korera Iri kuMbare


Bhazi rezvehutano rinoti chirwere chekorera hachina kuonekwa kuMbare, uko vanhu vange vari kuita manyoka pamwe nekurutsa vanga vari vachifungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere ichi.

NeMuvhuro, sangano reHarare Residents Trust rakati raityira zvikuru kuti vagari vekuma Jourburg Lines muMbare vakanga vabatwa nechirwere chekorera.

Asi ongororo yakaitwa nemutungamiri webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, VaStanley Mungofa, inoratidza kuti haisi korera iri kurwarisa vanhu vekuMbare.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Amai Portia Munangadzire, vanoti pane vanhu gumi vabatwa nekorera kuBikita kuMasvingo nemudunhu reManicaland.

Vatiwo bazi ravo harina ruzivo nezvekorera yanga ichinzi iri kuMbare.

Harare Residents Trust yakati mhuri makumi maviri dzaityirwa kuti dzakanga dzabatwa nekorera, izvo zvarambwa nekanzuru neHarare.

XS
SM
MD
LG