GWERU —
Vamwe vagari vemuGweru vanoti vari kutambira hurongwa hwekushandiswa kwemari gore rinouya hwakaparurwa nekanzuru svondo rapera. Hurongwa uhu hwamirira kutambirwa nehurumende kuti huve pamutemo.
Vagari vataura neStudio7 vanoti vari kutambira bhajeti yekanzuru yeGweru
ya2014 nemufaro sezvo kanzuru isina kukwidza mitero yavanobhadhara.
Mubati wehomwe weguta reGweru, VaEdgar Mwedzi, vakazivisa vagari kuti mugore rinouya, kanzuru inotarisira kushandisa mari inoita mamiriyoni makumi matatu nematanhatu.
Gore rino kanzuru ine mari inoita mamiriyoni makumi matatu nemana emadhora iyo inofanirwa kushandisa kusvika musi Zvita 31 panopera gore rino.
VaMwedzi vakazivisawo kuti mitero iripo pari zvino icharamba yakadaro vakaenderera mberi vachiti kanzuru yakatora danho rekubvisa zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvezvikwereti zvine mabhizimisi nemakambani kukanzuru.
Sachigaro weGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vanoti vari kufarira bhajeti yekanzuru.
Munyori wemadzimai musangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, Amai Nyengeterai Machaya, vanotiwo zvakaitwa nekanzuru chiratidzo chebhajeti inorangarira veruzhinji vanotambura.
Sachigaro weHawkers and Vendors Association of Zimbabwe, VaJohn SamubvuTekere, vanotsinhira nyaya yekuti veruzhinji munyika vari kunetseka kuwana mari vachirumbidzawo danho rakatorwa nekanzuru rekusakwidza mitero.
Kanzuru yeGweru, iyo ine vagary zana nemakumi manomwe ezviuru, ine chikwereti chinopfuura mamiriyoni masere.
VaMwedzi vanoti kanzuru yaichikwereta mari kubva kumabhangi asi haizi kuzoita izvi gore rinouya sezvo zvikwereti zvekumabhangi zvichidhura.
VaMwedzi vanoti pari zvino kanzuru haisati yaziva kuti ichagadzirisa sei chikwereti ichi vakati vane tarisiro yekuti mamiriro ezvehupfumi munyika achanaka gore rinouya izvo zvichaita kuti kanzuru ikwanise kuwana mari kubva kuhurumende.
Sachigaro weZimbabwe National Chamber of Commerce muGweru, VaWellington Chinembiri, vanoti vemabhizimisi vari kufara nekubvisirwa kwavakaita chidimbu chezvikwereti zvavainazvo. Asi vanobvuma kuti sezvo mitero iri iyo inowanisa kanzuru mari, kubviswa kwezvikwereti izvi kunogona kukanganisa mabasa ekanzuru.
VaSelipiwe vanoti kana kanzuru ikaisa musoro pamwe chete nevagari, inokwanisa kuwana nzira yekupedza chikwereti chaiinacho kuitira kuti ikwanise kuramba ichiita nemazvo mabasa ainotarisirwa kuita nevagari.
Svondo rapera maguta eHarare neBulawayo akaparurawo hurongwa hwemashandisirwo emari gore rinouya, akavimbisawo kuti haasi kukwidza mitero inofanirwa kubhadharwa nevagari.
Mabhajeti emaguta aya amirira kutambirwa nehurumende kuti ave pamutemo.
Nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika, makanzuru emunyika ari kuomerwa nekuwana mari yekuti ashande nemazvo, sezvo vanhu nemakambani anofanirwa kunge achibhadhara mitero, ari kukundikana.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti makanzura acharamba achishupika kana akaramba achikundikana kuwana mitero inokodzera, iyo inofanirwa kunge ichibviswa nevagari, pamwe nemakambani anoshanda ari mumaguta aya.