Accessibility links

Bumbiro Idzva Rotadza Kubuda neChishanu

  • Jonga Kandemiiri

Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, inoti haichakwanisi kuburitsa gwaro rebumbiro remitemo kana kuti draft constitution, neChishanu sezvanga zvakatarisirwa, sezvo komiti inokokera hurongwa uhwu (management committee) isiri kukwanisa kusangana sezvo nhengo dzeZanu PF dzisiri munyika.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa. vari kuGeneva kwavari kupinda musangano, kwotiwo anofanirwa kunge achivamirira pachinzvimbo chavo, VaEmmerson Mnangagwa, vari kunze kwenyika zvakare.

Masachigaro eCopac maviri anoti VaDouglas Mwonzora veMDC-T, naVaEdward Mkhosi veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, vaudza Studio7 kuti kusakwanisa kusangana kwekomiti inokokera mashandiro eCopac, kuchaita kuti kuburitswa kwegwaro rebumbiro iri kunonoke.

Komiti iyi inotarisirwawo kugadzirisa zvinetswa zvichiripo zvakasarira pakanyorwa kwebumbiro iri.

VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu PF, avo vati vari mumusangano, vanotiwo vanozokwanisa chete kutaura nezvenyaya iyi kana Chishanu chacho chasvika.

Vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vanonzi vakatarira Copac nguva yekuti inge yapedza kunyora gwaro iri, risati rasvitswa kwavari kuti varione.

VaMwonzora vaudza Studio7 kuti vave kutarisira kuburitsa gwaro iri mukupera kwesvondo inouya kana komiti iri kukokera hurongwa uhwu yakwanisa kusangana.

XS
SM
MD
LG