Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanosangana neVarimi veDonje


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, neMugovera vakasangana nevarimi vedonje panzvimbo yeChitekete Business Centre mudunhu reGokwe kuMidlands, kuitira kuti vazvinzwire matambudziko ari kusangana nevarimi.

Izvi zvinotevera kusawirirana kunonzi kuripo pakati pevarimi vedonje nevanotenga donje, uko kwakonzerwa nemitengo yedonje inonzi nevarimi yakaderera zvikuru.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, avo vaitarisirwawo kunge vari pamusangano uyu, havana kuzobudirira.

Asi VaBiti vanonzi vakavimbisa varimi kuti vachatsvitsa zvichemo zvavo kudare remakurukota parinosanga neChipiri.

Vanotenga donje vanonzi vari kuramba kukwidza mutengo kubva pamasendi makumi matatu pakirogiramu kuenda pakati pemasendi makumi mana nemapfumbamwe nemakumi masere emasendi pakirogiramu sezviri kudiwa nevarimi.

Svondo rapera varimi vedonje vakasangana nekomiti yeparamende inoona nezvekurima ichinzwawo zvichemo zvavo.

Komiti iyi iri kutarisirwa neChipiri kusangana nesangano revanotenga donje reCotton Ginners Association, kuti inzwewo divi ravo.

Vamwe varimi vanonzi vave kuparadza donje ravo senzira yekunyunyuta nemutengo uri pasi wavari kunzi vatengese nawo. Vamwe vanonzi vari kumanikidzwa nemapurisa kutengesa donje ravo.

Mumiriri weGokwe-Kabuyuni muparamende, uye vari mumwe wevanhu vakaronga nezvemusangano uyu, VaCostin Muguti, vaudza Studio 7 kuti varimi vakaratidza kugutsikana netsananguro dzavakapiwa naVaBiti pamusoro pematambudziko avo.

Mune imwewo nyaya, chirongwa chekuti nyika iwane mafuta edzimotokari kubva mumajirimono kana kuti jatropha, icho chakanga chatangwa nehurumende pakati pa2005 na2007, chinonzi chave kufa pasina chawanikwa kubva machiri.

Vane ruzivo nezvechirongwa ichi vanoti hurumende yave kutoita seyakanganwa nezvechirongwa ichi, icho changosarira muzvidzidzo zviri kuitwa neboka rezvehunyanzvi riri pasi pebazi rezvekurima.

Zvinonzi zvivakwa zvekusvinira mafuta aya zvakanga zvavakwa kuMount Hampden nehurumende yeZimbabwe neyeNorth Korea, zvenge matongo akatamwa kare nekuda kwekusashandiswa, sezvo pasina mhodzi dzekusvina mafuta.

Hurumende, kuburikidza nebhanga guru renyika, inonzi yakashandisa mari inoda kusvika mamiriyoni gumi nemaviri emadhora mukutanga chirongwa ichi.

Nyanzvi mune zvekurima inoshanda yakazvimirira, VaThomas Nherera, vanoti choita sechouraya chirongwa ichi kuoma kwakambenge kwakaita zvinhu munyika, uye kusateverwa kwakasimba nehurumende mukubatsira varimi vakanga varima jirimono.

VaNherera vanotiwo vanofunga kuti kana zvinhu zvakanga zvanaka, havaoni paine dambudziko rekumutsiridza chirongwa ichi.

XS
SM
MD
LG